Vamwe vagari veku Magokova, kuChisumbanje, mudunhu reManicaland vanoti vakatsamwa kuti zvirimwa zvavo zvakarimirwa pasi nekambani yeGreenfuel Pvt Ltd apo vainge vave kukohwa.
Mukuru wesangano rePlatform For Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti kambani iyi yakarimira muvhu chibage nedonje zvevarimi, izvo zvakaita kuti vakawanda varasikirwe zvikuru.
VaMadhuku vanoti nyaya yemiganhu neivhu, iyo yagara ichinetsa, ndiyo zvakare honzeri pachiitiko ichi, uye vanoti hurumende haina zvayati yaita pamusoro pazvo, kunyange hazvo nhengo dzeparamende dzakamboshanyira nzvimbo iyi, uye dzinoziva nezvenyaya iyi.
Mumwe wevamiririri veparamende vanoziva nezvenyaya iyi uye vaive muchikwata chekomiti yeparamende chaiona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaMayor Justice Wadyajena, vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi vanoiziva, uye ichataurwa muparamende vhiki shomanana dziri kutevera.
Studio 7 haina kukwanisa kubata vekambani yeGreenfuel Pvt Ltd kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.
"Kambani yaramba ichiregedzwa ichingoita madiro ayo munharaunda inevagari vanekodzero, vanehurumende,” VaMadhuku vaudza Studio 7.
“Tinoshaya kuti hurumende inoregedza sei kambani ichiita zvakadai, hutsinye kuvagari.”
Facebook Forum