Bato rezvematongerwo enyika idzva reLabour, Economists and African Democrats, kana kuti LEAD, rinoti razivisa zviri pamutemo Zimbabwe Electoral Commission kuti richakwikwidza musarudzo dzese kubva kumakanzuru kusvika kuhutungamiriri hwenyika pachaitwa sarudzo pose.
Mugwaro rarapa kuvatori venhau, bato iri rinoti riri pakati pekuronga zvinhu zvemukati mebato asi richakwanisa kuronga kongiresi yaro yekutanga munguva shoma irikutevera.
Mutungamiriri webato reLEAD, Amai Linda Masarira-Kaingidza, vanoti bato ravo rave nemapazi mumatunhu ese munyika kusanganisa nekuUnited Kingdom, America, Australia nemudunhu reSADC.
“Nhanho yatatora nhasi inoreva kuti tava bato rinokwanisa kukwikwidza mune zvematongerwo enyika: kungava kukanzuru, kungava kuparamende kana kusarudzo yemutungamiri wenyika yeZimbabwe,” vanodaro Amai Masarira-Kaingira.
Vanoti bato ravo rakasiyana nemamwe mapato mukuti rinotungamirirwa nevashandi uye hariiti zvokuzvitutumadza kana kuda kupembedza mutungamiriri, asi kuti ibato rakanangana nekugadzirisa zviri kutambudza vanhu munharaunda dzavagere.
Facebook Forum