Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Votaura Pamusoro peMari Yanetsa Munyika


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

VaMangudya vataura mashoko aya vachitsanangurira nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvemari kuti dambudziko remari mumabhangi riri kunyanyokukonzerwa nekuti nyika iri kutenga zvinhu zvakawanda kunze kwenyika asi iyo isina zvakawanda zvainotengesa.

Gavhuna webhanga guru munyika, VaJohn Mangudya, vaudza nhengo dzepararamende kuti bhanga ravo nemamwe mabhanga akaunza munyika mari inodarika mamiriyoni mazana maviri emadhora kubva muna Ndira kusvika pakutanga kwemwedzi uno, asi izvi zviri kutadza kupedza dambudziko rekushaikwa kwemari munyika.

VaMangudya vataura mashoko aya vachitsanangurira nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvemari kuti dambudziko remari mumabhangi riri kunyanyokukonzerwa nekuti nyika iri kutenga zvinhu zvakawanda kunze kwenyika asi iyo isina zvakawanda zvainotengesa.

Vatiwo nyaya yekuti nyika iri kutenga chibage zvichitevera nzara yakakonzerwa neEl Nino pamwe nekuti vanhu havachina chido chekuchengetera mari dzavo mumabhanga sezvo vari kubhadhariswa mari yakawanda pakushandisa mabhangi.

Asi vati zvisinei hazvo bhanga ravo nemamwe vari kuronga kuunza imwe mari munyika kuitira kupedza dambudziko iri.

Vatiwo mabhanga matanhatu pamabhanga gumi ari munyika ndiwo chete ari kupinza mari munyika.

Vatiwo kutanga kwemwaka wekutengeswa kwefodya kuchaunzawo mari yakawanda munyika.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemari mumabhanga uye VaMangudya vati mabhanga anofanira kubhadharisa vanhu mari shoma pavanoshandisa mabhanga pamwe nekuona kuti veruzhinji vasina mabhuku ekubhanga kumabhanga vapihwa mukana wekuvhura maakaunzi aya.

Mabhanga mazhinji ari kupa vanhu mazana maviri emadhora kana mari iri pasi pazuva nekuda kwekushomeka kwemari.

Zvinhu zvakanaka, mabhanga anopa vanhu zviuru zviviri zvemadhora kana kudarika pazuva.

Pavabvunzwa kuti sei vasiri kushandisa mari yemuno iyo vanokwanisa kudhinda kana yave shoma mumabhanga, VaMangudya vati nyika haisati yakwanisa kuita zvinodiwa kuti itange kushandisa mari yemuno zvekare.

Vati chikuru chichapedza dambudziko rekushaikwa kwemari munyika kugadzira nekutengesa zvinhu zvemuno kunze pamwe nekuumba mitemo inoita kuti vemabhizimisi vekunze vauye kuzotanga mabhizimisi munyika.

Zimbabwe iri kushandisa mabhiriyoni manomwe emadhora kutenga zvinhu zvekunze iyo ichitengesa kunze zvinhu zvinokosha mabhiriyoni matatu chete emadhora.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG