Kanzuru yeMasvingo neChipiri yakazotanga kupa vagari vose vemuguta iri mvura mushure mekunge yamboendeswa kumatare nevagari vange vachityira kuti vanozoguma vatapurirwa zvirwere zvakaita setyphoid necholera zviri kuuraya vanhu vakawanda munyika.
Bazi rezvehutano rinoti kusvika nezuro vanhu makumi maviri vainge vafa nechirwere checholera muHarare chete.
Dare repamusoro reHigh Court rainge ratonga kuti kanzuru ifanope vanhu mvura nemabhauza nezvimwe.
Asi kanzuru mukupera kwesvondo rapera yakazoita chipata pata kugadzira pombi dzekudhonza mvura dzainge dzafa mushure mekumboti mari yekunze yekudzigadzira painge pasina.
Gweta reMasvingo United Residents and Ratepayers Alliance kana kuti MURRA, VaMartin Mureri, vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti kanzuru yeMasvingo yaratidza kutirimuka mushure mekunge yaona kuti yatorwa nevagari vaiendesa kumatare edzimhosva.
Facebook Forum