Mumiriri weBuhera South mudare reparamende, VaJoseph Chinotimba, vari kukurudzira vanababa kuti varatidze rudo kumadzimai avo kuitira kuti vagarisane zvakanaka mudzimba.
VaChinotimba vataura mashoko aya mushure mekukunda kwavakaita mumakwikwi ekutsvodana avakapinda nemudzimai wavo, Amai Vimbai Chinotimba, akaitirwa muHarare neMugovera.
Makwikwi aya akarongwa neBook of African Records.
VaChinotimba vati vamwe varume vanonyaya kutsvoda madzimai avo paruzhinji nekuti vanennge vachitya mamwe madzimai emuchivande avanenge vainawo.
Mumiriri weBuhera South atiwo hapana chinonyadzisa kuratidza rudo paruzhinji vanhu vachitsvodana nekuti musi wemuchato murume nemukadzi vanongotsvodanawo paruzhinji.
VaChinotimba vakapihwa mubairo wechiuru chimwe chete chemadhora nezvimwewo zvekudya nekubhadharirwa DSTV yavo kwegore rose.
Vakapinda mumakwikwi aya vaive vanhu vakaroorana chete uye vaifanira kuramba vachitsvodana pasina kumira.