Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato idzva reZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru, avo vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vanoti ichokwadi kuti vange vachitungamira bato iri muchinyararire asi iko zvino vave kubuda pachena.
Amai Mujuru vabvunzwa neStudio 7 kuti ichokwadi here kuti vari kufanotungamira bato reZimbabwe People First vakapindura kuti, “Hongu.”
Aka ndekekutanga Amai Mujuru vachibuda pachena kuti vari kutungamira bato rinopikisa iri.
Vachibvunzwa kuti sei vange vasiri kubuda pachena nguva yose iyi, Amai Mujuru vati chido chavo chainge chiri chekuti vaparure bato pakati pegore rapera asi vange vachida kutanga vanyatsotaura nevanhu kumativi mana ose enyika.
Vatiwo Zimbabwe People First yakanyoresa zviri pamutemo neChishanu svondo rapera neZimbabwe Electoral Commission kuti ibato rezvematongerwo enyika rinoda kukwikwidza musarudzo dzinoitwa munyika.
Doctor Mujuru vanoti havasi kushamisika nebata murefu bata mupfupi yave kuitika mubato riri kutonga reZanu-PF.
Vati vakagara vaziva havo kuti mubato iri muchaita chimurenga zvekare nekuti riri kutungamirwa nenhema.
Amai Mujuru nevamwe vakawanda vakadzingwa mubato reZanu-PF gore rapera vachipomerwa mhosva yekuda kubvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro nechisimba.
Asi nyaya dzaipomoerwa Amai Mujuru idzi hadzina kuendeswa kumatare uye vanoti ndedzemugotsi matsuro.