Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Nzara Yapfunya Chisero Munyika


Morgan Tsvangirai
Morgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende inofanira kusunga dzisimbe panyaya yekuwanira vanhu chikafu sezvo vanhu vakawanda, zvikuru kuMasvingo, uko vakachishanyira svondo rapera, voziya nenzara.

Vachitaura neStudio 7, VaTsvangirai vati vachanyora tsamba kumasangano anobatsira nechikafu kuti vasimbise nyaya yekuti vanhu vemuZimbabwe vanoda rubatsiro rwezvekudya.

Vatiwo vari kunetsekana nenyaya yekuti bato reZanu-PF riri kushandisa zvematongerwo enyika munyaya dzechikafu.

VaTsvangirai vanoti nekuona kupfunya rusero kwaita nzara vave kunyorawo tsamba kumasangano anobatsira kuti abatsire vanhu nechikafu.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatokumbira rubatsiro kunyika dzekunze vachiti nzara yakomba munyika uye vakatara nzara sedanbudziko rakaipisisa munyika.

Vanhu vanosvika mamiriyoni matatu munyika vakatarisana nenzara inotyisa munyika.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG