Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Kunetsana muZanu-PF Kwoendesa Nyika kuMazivandadzoka


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa VaMorgan Tsvangirai vanoti kunetsana kuri kuitika mubato reZanu-PF kwave kukanganisa zvakanyanya vanhuwo zvavo munyika nekuti hapachina munhu muhurumende ari kuda kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyoka.

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kunetsana kuri kuitika mubato reZanu-PF kwave kukanganisa zvakanyanya vanhuwo zvavo munyika nekuti hapachina munhu muhurumende ari kuda kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Vachitaura neStudio 7 VaTsvangirai vati nyika yakatarisana nematambudziko makukutu kusanganisira hupfumi husina kumira zvakanaka zvopa kuti vanhu vashaye mabasa.

Nyika yakatarisanawo nenzara inotyisa sezvo vanhu vanosvika mamiriyoni matatu vari kunzi havana chekudya nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura uye kushaya gadziriro yakakwana.

Mubato reZanu-PF mune kunetsana kunotyisa pakati pevanonzi Generation 40 vanonzi vanotsigira Amai Grace Mugabe uye vamwe vanonzi vanotsigira mutevedzeri wemutungamii wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Zvikwata izvi zviri kurwira kutora chigaro chaVaMugabe avo vosvika makore makumi mapfumbamwe nemaviri nemusi weSvondo.

VaTsvangirai vatiwo nyaya yekuti pane vatsigiri vavo vari kuenda kunobatana nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vebato reZimbabwe People First haisi kuvashaisa hondo sezvo vati vane rutsigiro rwakasimba.

Asi vati havo havaone chakaipa pakuita mubatanidzwa nemamwe mapato kuti vakunde VaMugabe musarudzo dzichaitwa muna 2018 kutsvaga mutungamiri wenyika mutsva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG