Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti nyaya yekunetsana mubato reZanu-PF inopa mukana wekuti bato iri rinogona kupatsanuka chinhu chakanakira nyika.
VaMadhuku vanoti kana bato iri rikaramba rakabatana rinokanganisa zvakanyanya hutongo hwejekeerere.
VaMadhuku vanoti zviri kuitika muZanu-PF munongedzo wekuti Mwari vari kunzwa zvichemo zvevana veZimbabwe avo vari kugara vachigununguna nematongerwo ari kuitwa neZanu-PF.
Mubato reZanu-PF mune kunetsana kwakanyanya pakati pevanonzi vanotsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chinonzi Team Lacosste nechinonzi Generation 40 icho chinonzi chinotsigirana naAmai Grace Mugabe, mudzimai wemutungamiri wenyika.
Zvikwata izvi zvinonzi zviri kurwira kuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe kana vasiya basa.
VaMugabe vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri ekuberekwa zvinonzi zvokonzera mutauro.
Vachitaura nenyaya yebato idzva reZimbabwe People First riri kutungamirirwa nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, VaMadhuku vanoti havana chido chekushanda navo nekuti vanovaona semunhu weZanu-PF.