Accessibility links

Breaking News

ZIMRA Yotora Mari yeKanzuru yeChinhoyi


Bazi rinoona nezvemari dzemitero munyika reZimbabwe Revenue Authority (ZIMRA) rakatora mari yekanzuru Chinhoyi kumabhangi zvechisimba richiti kanzuru iyi yange isiri kubhadhara mitero sezvainofanira kuita pamutemo.

Meya weguta reChinhoyi VaTest Michaels vakabvuma muhurukuro neStudio 7 kuti ZIMRA yakatora mari mumabhanga avo inosvika madhora zviuru zana nemakumi maviri uye yakazivisawo mabhanga aya kuti ayipe mari yose yekanzuru inenge yabhadharwa.

VaMichaels vati kanzuru yavo ine chikwereti chemari inosvika miriyoni imwe chete nemazana matanhatu emadhora kuZIMRA.

Vaenderera mberi vachiti vainge vawirirana neZIMRA kuti vaizobhadhara mari inosvika zana nemakumi matatu emadhora kudzamara chikwereti chavo chapera. Asi vanoti izvi hazvina kuitika izvo zvazopa kuti ZIMRA itore mari dzose dzekanzuru mumabhanga.

ZIMRA inobvumirwa nemutemo wezvemari munyika kutora mari yemakambani kana mapazi akasiyana siyana kana mari dzemitero dzisina kubhadharwa.

VaMichaels vanoti kutorwa kwemari yekanzuru neZIMRA kwasiya kanzuru isingakwanise kuita mabasa ayo.

Vatiwo ZIMRA yakavaudza kuti vakwanisa kubhdhara mari inosvika madhora zviuru zana nemakumi maviri pamwedzi havazotorerwe mari kumabhanga.

Kumiswa kwekushanda kwemaAccounts kuchaita kuti vashandi vaomerwe nehupenyu sezvo vanga vakatarisira kupiwa mari dzavo dzemuhoro svondo rino.

Mumwe mushandi wekanzuru asingade kudomwa nezita anoti mashoko ekutorwa kwemari yekanzuru neZIMRA apa kuti ashaye tariro yekuwana mari yake yemuhoro kwemwedzi yakati wandei.

Vashandi vekanzuru yeChinhoyi vave nemwedzi mitatu vasati vahora sezvo kanzuru iri kuchema nerekuti hayina mari nekuda kwekuti vanhu nemakambani havasi kuvabhadhara mari dzemitero pamwe nemarezinesi.

Mumabhuku ekanzuru ekufambiswa kwemari ekupera kwegore ra2015, mapurisa nemamwe makambani ehurumende vane zvikwereti zvekanzuru zvinotosvika kumamiriyoni emadhora.

Mamwe makambani asina kubhdharawo zvikwereti zvekanzuru anosanganisa National Social Social Authority (NSSA), Zimbabwe Electricity Supply Authority (ZESA), Chinhoyi Cold Storage Commission (CSC) neChinhoyi University of Technology

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere kuti tinzwe divi ravo.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG