Gweta raPastor Evan Mawarire avo vanotungamira Hash Tag This Flag, VaHarrison Nkomo vanoti vaMawarire vave kutarisirwa kumiswa pamberi pedare ramejastiriti muHarare.
VaNkomo vaudza Studio 7 kuti parizvino VaMawarire vakachengeterwa mutirongo pakamba yemapurisa yeHarare Central. Vatiwo vari kupomerwa mhosva yekuda kukonzera mhirizhonga munyika pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.
Asi magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti mutemo uyu unopikisana nebumbiro guru remutemo chikamu chechimakumi mashanu nepfumbamwe kana kuti Section 59.
VaNkomo vanoti pavaperekedza VaMawarire kumatare mapurisa ambovatiza achienda kunosecha kumba nekuchechi kwavo. Asi vati VaMawarire varamba kuti imba yavo isechwe pasina magweta izvo zvaopa kuti mapurisa azovafonera.
Mapurisa anoti ange achida kutsvaga heremeti nemboma zvemapurisav zvakatorwa pakuratidzira kwevhiki rapera nemusi weChitatu apo mapurisa ainge otiza vanhu.
Musi uri kuenda VaMawarire kumatare ndiwo musi wavakaronga kuti nyika itange kuratidzira zvekare kwemazuva maviri vachiti hurumende yainge yaramba kuteerera kurudziro yavo yekuti hurumende ivandudze zvinhu.
VaMawarire vainge vayambira kuti vaizoratidzira kana hurumende isina kuferefeta vanofungidzirwa kuti vari kuita zvehuori, kumisa hurongwa hwekuparura mari dzemabond notes, uye kubvisa mapurisa akazara muimgwagwa ari kunzi nevemakombi ari kuita zvehuori.
Pastor Mawarire vari kushandawo nevamwe vecgidiki vari kuzviri Tajamuka.