Nyanzvi munyaya dzezvezvehupfumi dzichiri kuzeya mashoko egurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa ekuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi hazvina kumira zvakanaka uye vave kuda kugumura vamwe vashandi nekuwedzera mitero yavanobatirwa nehurumende.
Nemusi weChipiri, sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rakabatanawo nevamwe vashandi kushora danho iri. Vanachiremba mumashoko avo kuvatori venhau vakati vari kushanda vari vashoma uye vari kushanda kwenguva yakareba.
Vanotiwo vari kuda kuwedzerwa mari yavanopihwa kana vadaidzwa kubasa kana kuti on call allowance kubva padhora nemakumi mashanu paawa kusvika pamadhora mazana manomwe nemakumi maviri pamwedzi.
Vanachiremba vanoti zvichemo zvavo zvikasagadziriswa uye vakanyimwa bhonasi muna zvita vachazotora matanho akaomarara avasina kutaura.
Mukuru weCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti zvinhu muzvipatara hazvina kumira zvakanaka uye vati hurumende inofanira kubvisa pabasa vechidiki vebato iri vari mumatunhu ose vari kungopihwa mari dzehurumende vasina zvavari kuita.