WASHINGTON —
Kunetsana koramba kuchienderera mberi muZanu PF pakati pechikwata cheG40 nevanotsigira mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu okurudzira hurongwa hwehurumende hwekuvaka matare epamusoro mumadhorobha madiki munyika.
Mvura yonaya mudzimwe nzvimbo panguya iyo mamwe matunhu ari kurasikirwa nemombe nepamusana pekushaya mafuro.
Zimbabwe Warriors yosimuka mangwana kuenda kumakwikwi e Chan kuRwanda.
Muchirongwa cheLiveTalk tiri kutarisa dambudziko renzara nekushaikwa kwemvura munyika.
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.