Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau yeShona – Ndira, Chitatu 27, 2016


Sangano reHuman Rights Watch rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika munyaya dzekodzero dzevanhu, ukuwo Freedom House ichiti Zimbabwe iri kuita zviri nani munyaya dzekodzero.

Dare repamusoro soro ronzwa chikumbiro chekuti kugarisa munhu mujeri kwehupenyu hwake hwese kunotyora kodzero dzake, nokudaro mutemo wakadai ngauraswe….

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muWest Virginia mu America chotaura pamusoro pechando mupengo chakarova dunhu rachigere….

Mukuri wevatambi veZimbabwe Cricket osiya basa….

Muchirongwa cheLiveTalk tiri kutarisa kupesana nekuwirirana kwemagwaro aburitswa neHuman Rights Watch, Freedom House, pamwe neTransparency International, pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Muchirongwa cheLivetalk- na 8:30 pm tiri kutarisa kukundwa kweZimbabwe mumakwikwi eCHAN kuRwanda.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yevoa Shona.

Misoro yeNhau, Ndira, 27, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG