Vachipa mashoko avo egore dzva, Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vavimbisa vanhu veZimbabwe kuti vachaunza mabasa mazhinji kuruzhinji rwevanhu, vachiti gore ra 2020 igore ravachapindudza zvinhu munyika, zvikuru sei munyaya dzezvehupfumi.
VaMnangagwa vati gore rino, havadi kuona kana munhu umwe chete zvake achirasikirwa nehupenyu hwake pamusoro pe zvematongerwo enyika, vachiti vose vanoita zvemhirizhonga vanofanirwa kubudiswa pachena vachishorwa zvakadzama.
Vakurudzira kuti vanhu vabatane, vachiti Zimbabwe yakatarisana nematambudziko anoda kuti vanhu vose vabatane kuarwisa.
VaMnangagwa vati hurumende yavo icharamba ichiedza kubatsira vanotambudzika munyika.
Zvichakadaro, mutungamiriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vanoziva kuti muna 2019 vanhu vakatambudzika zvikuru asi vanotarisira kuti muna 2020 vanhu veZimbabwe vachatora nyika yavo, vachiti 2020 igore revanhu.
Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vaudza Studio 7 kuti zvataurwa naVaMnangagwa hazvina chokwadi sezvo vakanguva vavimbisa zvinhu zvizhinji zvavasati vaitira vanhu nanhasi wese.
Facebook Forum