Mhuri yevaimbova mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, yazivisa kuti nyaradzo yaVaTsvangirai ichaitwa musi wa14 Kukadzi gore rinouya.
Mutauriri wemhuri iyi, VaManase Tsvangirai, vati nyaradzo iyo ichaitwa zuva ravakafa setsika yechivanhu chavo uye ichaitirwa kumusha kwavo kuBuhera.
VaTsvangirai vazivisawo kuti VaIan Makone vaiva sahwira waVaTsvangirai, ndivo vaitwa sachigaro wekomiti iri kutungamira hurongwa hwekuronga nyaradzo iyi.
Vati vazivisawo hurumende, bato reMDC pamwe nemamwe mapato ezvematongerwo enyika nemasangano anoshanda akazvimirira nezvehurongwau uhwu sezvo vachiti mushakabvu munhu aishanda nevanhu vakawanda munyaya dzekuti muZimbabwe muve nehutongi hwejekerere.
VaTsvangirai ndivo vakava mutungamiri weMDC wekutanga payakaumbwa muna 1999, uye vakashaya vari mutungamiri webato iri.
VaTsvangirai vakashayikira kuSouth Africa mushure mekurwara nechirwere chegomarara.
Zvichitevera kushaya kwavo, MDC yakabva yatsemuka zvichitevera kurwira masimba kwakaitika pakati pevatevedzeri vavo vaviri, Muzvare Thokozani Khupe naVaNelson Chamisa.
Facebook Forum