Dare reparamende razivisa neChitatu kuti vatori vese venhau vanoda kutapa nhau muparamende vanofanirwa kutanga vanoongororwa nemapurisa vopihwa mvumo nemapurisa vasati vapihwa mvumo yekushandira muparamende.
Danho iri rashorwa zvikuru nevatapi vanhau nemasangano anovamirira vachiti kuita kwakadai kunoreva kuti paramende yave kutora vatapi venhau sematsotsi.
Mugwaro ravanyorera vatori venhau vachizivisa kuti paramende yatanga kunyoresa vatapi venhau vanoda kutora nhau muparamande gore rino, mumwe mushandi mukuru muchikamu chinoona nezvekuburitswa kwemashoko muparamende, Muzvare Tanyaradzwa Linda Manyemba, vati kunze kwezvinhu zvavange vagara vachiuya nazvo, zvakaita sekadhi rekuZimbabwe Media Commission, vatori venhau vave kufanira kuuya nemagwaro emapurisa anoratidza kuti vachenurwa, kana kuti police clearance.
Paramende haina kutsanangura kuti sei yatora danho iri.
Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mukuru wevasori vanochengetedza paparamende ndivo vari kuda ma police clearance pamwe nekuziva kuti vatapi vese vanouya kuparamende vanoshandira makambani api.
Zvinonzi pamusangano wakaitwa nguva pfupi yapfuura, vanochengetedza runyararo ava vakataura pachena kuti vange vasiri kufara nedzimwe nyaya dziri kuburitswa muparamende nekudaro vanoda kunyatsozivisisa vatapi vese venhau vanoshandira muparamende.
Mumwe mutapi wenhau anoshanda akazvimirira, Robert Tapfumaneyi, ati vashamiswa zvikuru nedano ratorwa neparamende.
Mumwewo mutori wenhau uyo anowanzonyora nhau muparamende aramba kudomwa nezita rake audza Studio 7 kuti zvinoshamisa kuti paramende, iyo inogarotaura kuti inoda kuita basa rayo zvakajeka, yave kushungurudza vatori venhau.
Sachigaro wesangano reMedia Institute of Southern Africa - Zimbabwe, VaKumbirai Mafunda, vanoti sangano ravo riri kushushikana zvikuru nezviri kuitwa neparamende uye semaonero avo izvi hazvifaniri kunge zvichiitika.
VaMafunda vanoti sangano ravo rave kutoronga musangano nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, nechinangwa chekugadzirisa nyaya iyi.
Hatina kukwanisa kutaura naVaMudenda kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Gore rapfuura vanochengetedza paparamende vakavhiringana nevatori venhau vakavarambidza kuti vashandise mbozhanhare dzavo muzvimbo yavanoshandira muparamende, yePress Gallery.
Asi VaMudenda ndivo vakazopa vatapi venhau mvumo yekushandisa mbozhanhare pamwe nemimwe michina yechizvinozvino muparamende.