Change chiri chipata pata neChitatu muHarare apo vashoma vane mari dzavo vange vari kutenga vachigadzirira zuva rekisimusi iro ririko nemusi weChishanu.
Asi vazhinji vanoti zuva rekisimusi richange risina kusiyana nemamwe mazuva sezvo vasina mari yekuti vaite mabiko nekupembera sezvavaisiita makore apfuura.
Mune mamwe mabhanga mange muine mitsetse yakareba vanhu vachitora mari dzavo uye vashandi vemumabhanga vachiti basa range rakawanda kudarika mamwe mazuva.
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri wevashandi vemumabhanga, VaAfregnate Goto, vanoti kunetsa kwemari ndiko kuri kuita kuti basa riwande kwavari.
Asi kunyange hazvo vamwe vange vari kutora mari dzavo, vakawanda vange vari kutsutsumwa vachiti havana mari dzekushandisa pakisimusi sezvo vasina kutambira kana kuti pihwa mari dzebhonasi.
Mumwe mugari wemuHarare, VaJairos Moyo, vanoti vanowanzoenda kunodyira kisimusi kumusha kwavo asi rwendo runo zvakona n’anga murapwa achida.
Mumwe mugari wemuHarare, VaSpecial Phiri, vanoti zvinhu zvavaomera gore rino zvekuti kufa kurinani.
Vamwewo varamba kudomwa zita ravo, sezvo vachishanda muhurumende, uye vasingabvumidzwe kutaura nevatori vanhau, vanoti hapana kana gadziriro yavari kuita yekisimusi nekuti havana chavainacho.
Hurumende haisati yabhadhara vashandi vayo vese ichiti ichabhadhara vashandi vayo mari dzavo dzemihoro kisimusi yadarika musi wa28 Zvita.
Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Manyanya, vanoti kisimusi yave matakadya kare kune vazhinji munyika nekuda kwekuoma kwaita hupenyu.
Kunyange mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe , vanoti gore rino range rakaoma uye vanotenda veruzhinji nekushingirira zvisinei nekuti zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika.
VaMugabe vakataura mashoko aya nemusi weMuvhuro kuState House apo vakaita mabiko ekupera kwegore kuvashandi vepamusoro muhurumende pamwe nhengo dzepamusoro dzebato ravo izvo zvichatadzwa kuitwa neveruzhinji gore rino.