Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanosvika kuFrance kuMusangano Uchazeya Kushanduka Kuri Kuita Kunze


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemakurukota avo, vasvika neChishanu muParis, kuFrance kumusangano wechimakumi maviri nerimwe wekuzeya mamiriro ekunze ari kushanduka.

Musangano we 21st Conference of Parties to United Nations Framework Convention on Climate Change uri kutanga nemusi weMuvhuro.

VaMugabe vaperekedzwa nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, uye gurukota rezvezviwanikwa, Amai Oppah Muchinguri Kashiri.

Nekuda kwemhute VaMugabe vanonzi vatadza kumhara panhandare ye Le Bourget , ndege yavashandisa ikazonomhara panhandare ye Charles de Gau.

Musangano uyu unokokerwa neUnited Nations uye wakanangana nekuona kuti chii chingaitwa mukuzadzikisa zvibvumirano zvakatanga muna 1992 ku Rio Convention kuBrazil zvekuona kuti nyika dzose dzaita zvinhu zvinopa kuti zvichengetedze mamiriro ekunze ayo ashanduka.

Mumiriri weZimbabwe kuFrance, Amai Rudo Mabel Chitiga, vati VaMugabe vasvika asi zvizhinji maererano nerwendo rwavo zvinotaurwa naAmai Muchinguri Kashiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio7 haina kukwanisa kubata Amai Muchinguri Kashiri.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanoti vachange varikowo kumusangano uyu.

France inoti yarambidza kuratidzira kwanga kwakarongwa kuitwa panguva yemusangano uyu vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika iyi zvichitevera kurwiswa kwayo neIslamic State svondo rapera.

XS
SM
MD
LG