Accessibility links

Breaking News

Amai Joice Mujuru Vokurudzirwa Kuzvichenura Pane Zvakaitika Vachiri muZanu PF


Zimbabwe Politics - Joice Mujuru, Zimbabwe People First
Zimbabwe Politics - Joice Mujuru, Zimbabwe People First

Mumwe mugari wemuHarare, Va Edgar Gweshe, vanoti Amai Mujuru vanofanira kuzvichenura panyaya yekubirirwa kunonzi kwakaitwa sarudzo pamwe nekutyora kwekodzero.

Veruzhinji vanoti bato idzva reZimbabwe People First iro riri kufanotungamirwa nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, rinofanira kushanda zvakasimba kuti rikwanise kubvisa hurumende yeZanu PF iyo yave nemakore makumi matatu nematanhatu iri muhutongi.

Veruzhinji vataura neStudio 7 muHarare vanoti Amai Mujuru, avo vakaparura bato ravo re Zimbabwe People First nezuro, vanofanira kusunga dzisimbe kuti vakwanise kukurira Zanu PF musarudzo dzemuna 2018.

Mumwe wevanhu ava ndiVa Beven Chihuri avo vanogara mumusha weMabvuku muno muHarare.

VaChihuri vanoti Amai Mujuru vane mukana wakakura kwazvo wekutora masimba kubva kuna Va Mugabe.

Zvataurwa naVa Chihuri zvatsinhirwa naVa Kudzanai Musenha vanogara kuWestgate.

Va Musenha vati Amai Mujuru semunhu anga ari muhurumende kubva pakawana nyika kuzvitonga kuzere muna 1980, vave munhu ane rutsigiro rwakakura kwazvo kune vari muchiuto avo vakabuda pachena kuti havadi kutongwa nemunhu asina kurwa muhondo yerusununguko.

Mushure mekuparura kwavakaita bato ravo, mumwe mutsigiri weZimbabwe People First, Amai Patience Madzima, vakati Amai Mujuru ndivo vega munhu anobva kubato rinopikisa anogona kuita kuti munyika muve nerunyararo kana Zanu PF ikakundwa musarudzo.

Asi mumwe mugari wemuHarare, Va Edgar Gweshe, vanoti Amai Mujuru vanofanira kuzvichenura panyaya yekubirirwa kunonzi kwakaitwa sarudzo pamwe nekutyora kwekodzero.

MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti sarudzo dzapfuura dzakabirirwa zvemhango yepamusoro-soro asi VaMugabe nebato ravo vanoti sarudzo idzi dzakaitwa zviri pachena.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCoalition Against Corruption, Va Terry Mutsvanga, vanoti Amai Mujuru vane dambudziko rekuti vakanga vari muhurumende yeZanu PF yavanoti yashungurudza vanhu kwenguva yakareba.

Zvichakadai, mupepeti webepanhau reThe Observer, Va Barnabas Thondlana, vanoti Amai Mujuru vanofanira kubatana nemamwe mapato anopikisa kana vakamira pachokwadi kuti vari kuda kunyurura zvizvarwa kubvamumadhaka azviri.

Va Thondlana vanoti Amai Mujuru vakamira vari vega havana mukana wekukunda Zanu PF musarudzo pakatarisirwa mhirizhonga inowanzoitwa munguva dzesarudzo Zanu PF ichishanda pamwechete nevari muchiuto.

Nyanzvi munyaya dzevematongerwo enyika dzinoti mapato anopikisa akapinda musarudzo dzemuna 2018 asina kubatana zvinopa Zanu PF mukana wakakura kwazvo wekukunda musarudzo idzi.

Nyaznvi idzi dzinotiwo mapato anopikisa anofanira kutanga nhaurirano dzekuwumba mubatanidzwa wemapato anopikisa pachine nguva yekuti mapato aya agogadzirira sarudzo dzemuna 2018 zvakakwana.

Zvichakadai, Va Tsvangirai naAmai Mujuru vakabuda pachena kuti nhaurirano idzi hadzisati dzatanga uye VaTsvangirai vakatoudza vatsigiri vavo kuti vagadzirire kupinda musarudzo dzemuna 2018 vakazvimirira sebato reMDC-T.

Kunyange hazvo vemapato ese anopikisa hurumende vachiti vakazvipira kubatana pamberi pesarudzo dzemuna 2018, hapana chinobatika chavati vaita panyaya dzenhaurirano dzekuwumba mubatanidzwa uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG