Muimbi ane mukurumbira pasi rese, Oliver Tuku Mtukudzi, ashaya neChitatu masikati muHarare mushure mekurwara kwenguva yakareba nechirwere cheshuga.
Vamwe vaishanda navo, hama neshamwari vaungana pachipatara cheAvenues apo pashaikira Mtukudzi.
Mtukudzi, uyo ange ave nemakore makumi matanhatu nematanhatu okuberekwa, ashaya neChitatu masikati uye vaaishanda navo munyaya dzemimhanzi vaudza Studio 7 kuti varasakirwa zvikuru nemumwe wavo uyo vaitora semurairidzi uye semubereki.
Mutungamiriri weOchestra Mberikwavo, Alick Macheso, uyo akshanda naMtukudzi anoti arwadziwa zvikuru nekutti ange ane zvirongwa zvaange akaronga kuita naMtukudzi.
Mumwe muimbi ane mukurumbira uyo akashanda zvakanyanya naTuku, muZimbabwe, Africa neEurope, Albert Nyathi, audza Studio 7 kuti arwadziwa zvakanyanya nekushaya kwaMtukudzi.
Ati pavaishanda vese Mtukudzi aigara achichema chema nechirwere chesuga uye zvinonetsa kutambira zvaitika asi hapana zvaangaita nekuti ndozvarongwa naMwari.
Munyori wenhau dzemimhanzi nemitambo, Problem Masau, ati Tuku munhu aishanda nevanhu vese zvakanaka uye munhu aida kusimudzira vechidiki.
Ati pane vaimbi vazhinji muZimbabwe vakabatsirwa naTuku kusanganisira chikwata chePengaudzoke, Toki Vibes, Jah Prazah, naGary Tight.
Mumwe anofarira nzimbo dzaMtukudzi, Farai Maveza, audza Studio 7 kuti kunyange Tuku aenda, anofara kuti asiya nhaka sezvo mimhanzi yake iine dzidziso dzakadzama.
Tuku akatanga kuimba mumakore ekumaSeventies akabura mimhanzi yakawanda inosanganisira Dzandimomotera iyo akaimba nechikwata che Wagon Wheels, nedzimwe dzinobata magarariro evanhu, zvematogerwo enyika nezvimwe zvakasiyana siyana izvo zvakaita kuti ave mumwe muimbi akaita mukurumbira muZimbabwe, Africa nepasi rese.
Nzimbo dzake dzakaitawo kuti vakawanda kusanganisira vana vake vapinde mumabasa emumhanzi.
Pataenda pamhepo pange pasati pave nehurongwa hwekuti acharadzikwa riini uye vanhu vabva pachipatara vakananga kumba kwake kuNorton.
Mtukudzi asiya mudzimai Daisy nevana.
Facebook Forum