Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Voburana Zvakare neKanzuru yeMutare


Kasukuwere
Kasukuwere

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu nemaguta, VaSaviour Kasukuwere, vayambira vakuru vekanzuru yeguta reMutare kuti vasunge dzisimbe kuitira kuti vachengetedze mabasa avo sezvo zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka muguta iri.

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu nemaguta, VaSaviour Kasukuwere, vayambira vakuru vekanzuru yeguta reMutare kuti vasunge dzisimbe kuitira kuti vachengetedze mabasa avo sezvo zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka muguta iri.

VaKasukuwere, avo vange vari maMutare neChina vachipa zvakabuda mutsvagurudzo yakaitwa nebazi ravo, maringe nezviri kunetsa muguta reMutare, vati chikuru chiri kunetsa muguta iri inyaya yehuwori, kusavapo kwenzira itsva dzekutsvaga mari, uye kusabhadhara vashandi vepasi mari uku vepamusoro vachiita mutambarakede.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaKasukuwere vati vakuru vekanzuru vari kudya nyika rutivi, vachienda kuzororo kunze kwenyika nemari yekanzuru, vachizvihoresa mari dzakawamdisa, kuzvitengera zvikakarara zvemotokari, kudzidzisa vana vavo kunze kwenyika uye kuzvipa mari dzechikwereti asi vashandi vanosvika chiuru nemakumi mashanu vachiyaura uye kudya nhoko dzezvironda. VaKasukuwere vati izvi zvinofanirwa kumiswa izvozvi.

Vakomekedza kanzuru kuti itsvage nzira dzekuti ikwanise kutora mari dziri muvanhu avo vane chikwereti kukanzuru chinosvika mamiriyoni makumi matatu emadhora kuitira kuti kanzuru ikwanise kubharawo chikwereti chayo chemadhora mamiriyoni gumi nemapfumbamwe.

VaKasukuwere, avo vauya nemutevedzeri wavo, VaChristopher Chingosho, vati nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu muguta reMutare, vakuru vekanzuru ava vange vari kusungirira guta pagumbo ramushore.

VaKasukuwere vati vanoda kuti kanzuru yeMutare zvikuru vakuru vayo vashande zviri kunze kwenguva kana kuti overtime asi vasingabhadharwe kuitira kuti mabasa adzokere mugwara.

VaKasukuwere vati kunyange hazvo vakatsamwa, pari zvino havadi kutora matanho akaomarara kuvakuru vekanzuru yeMutare, vakati vari kuvapa mukana wekugadzirisa zvavakatadza kuita.

Asi gurukota rinomirira dunhu reManikaland, Muzvare Mandi Chimene, vakurudzirawo kudzingwa kwevakuru vekanzuru ava vamwe vachivaita zvekuvadoma nemazita avo.

Muzvare Chimene vaenderera mberi vachiti nyaya yehuwori pakanzuru yeMutare yadzika midzi zvekuti asingaiti mabasa ehuori anenge achitonzi haana kukwana.

Muzvare Chimene vanoti nenyaya yekusabhadharwa kwevashandi vekanzuru ava vazhinji vavo vari kuuya kumahofisi avo vachida rubatsiro rwakasiyana siyana.

Meya weguta , VaTatenda Nhamarare, vati havana zvekutaura zvakawanda kudzimara vagara pasi nekanzuru yavo uye nekuverenga zvakabuda muongororo iyi.

Vatiwo kanzuru yavo ichaita sezviri kudiwa kuti guta rikwanise kufambira mberi, zvikuru kuwanira vagari zvinovakwanira.

Mutori wenhau, Andrew Mambondiyani, anoti zvakabuda muongororo yakaitwa nebazi raVaKasukuwere hazvina zvazvinobatsira sezvo matambudziko ari mumakanzuru ari mamwechete neari kuwanikwa muhurumende macho.

VaMambondiyani vati zvakawanikwa izvi ndozvimwe chete nezviri kuitwawo kumusoro kwevari muhurumende vanoenda kuzororo munyika musina kumira zvakanaka, vashandi vemuhurumende vasina kuhora mari dzavo dzemabhonasi, vazhinji vasina mabasa, nzara yakapfunya rusero munyika. Vati uku kusekana kwavana kamba.

XS
SM
MD
LG