Accessibility links

Breaking News

Zvipangamazano Zvozeya Zimbabwe muWasgington D.C.


Doctor Alex Magaisa naDoctor Ibbo Mandaza vachiita hurukuro pamusoro pesarudzo dzemu Zimbabwe muWashington D.C.
Doctor Alex Magaisa naDoctor Ibbo Mandaza vachiita hurukuro pamusoro pesarudzo dzemu Zimbabwe muWashington D.C.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzakaungana muWashington nezuro dzichikurukura mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe, pamwe nezvichaitika mushure musarudzo.

Vachitaura pamusangano uyu, mumwe mukuru mubazi rezverkudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, VaThomas Hastings, avo vakashanyira Zimbabwe nguva pfupi yapfuura, vakati America inoda kuona nekunzvisisa zviri kuitika muZimbabwe nekuti kune sarudzo dzichaitwa mwedzi unouya.

VaHastings vakati America inoda kudyidzana neZimbabwe zvikuru kana hurumende ikaita zvinotarisirwa zvakanaka. Vakati America haifari kuona mauto enyika ipi zvayo achipindira munyaya dzezvamatongerwo enyika sezvakaitika muZimbabwe gore rakapera.

Vakati kupindira kwemauto munyaya dzematongerwo enyika, pamwe nezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende yeZimbabwe, zvimwe zvezvinhu zvinogara zvichizeyiwa nehurumende yavo

Vachitaurawo pamusangano uyu, Amai Imani Countess, avo vanoshanda neSolidarity Center, vakaratidza kushushikana nemadzimai evarume vanoshanda kuHwange Colliery, avo vava nenguva yakareba vachiratidzira sezvo varume vavo vava nenguva yakareba vasingatambiriswe mari dzavo.

Amai Countess vakarumbidza zvikuru basa rakaitwa neZimbabwe Congress of Trade Unions pamwe chete neUnited Union of Mine Workers mukubatsira kwavakaita vachiti madzimai aya akange asingangorwiri zvemari dzevarume vavo chete, asi kuti vairwirawo kodzero dzavo munharaunda yavanogara.

Vakatiwo kushanda pamwe chete kunoumba simba rakawanda rinokwanisa kushandura zvinhu munyika.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Doctor Ibbo Mandaza veSAPES, vakatiwo pakati pezvikamu makumi matanhatu mezvikamu makumi manomwe kubva muzana zvenyanzvi dzemuZimbabwe mumabasa mazhinji, dziri kunze kwenyika.

Doctor Mandaza vakati sarudzo dzichaitwa muZimbabwe dzinogona kugumbura vakawanda sezvo hutongi hwejechetere nehutongi hwechiuto zvisingapindirane.

VaMandaza vakati kana sarudzo dzikaitwa zvakachena, vanoona mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachakunda zvisina mutsindo, izvo zvinozoita kuti sarudzo idzokororwe pakati paVaChamisa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nyanzvi dzakapinda mumusangano uyu dzakaratidza kushushikana nenyaya yemauto, asi dzakati dzamirira kuona kunoenda tsvimbo nedohwe kana sarudzo dzaitwa.

Imwe nyanzvi inobva kuZimbabwe iri muWashington DC vachishanda sachipangamazano nesangano reNational Endownment for Democracy, Dr Alex Magaisa, vanoti sarudzo chaiyo yemutungamiri wenyika iri pakati paVaChamisa naVaMnangagwa, zvisineyi kuti pane vanhu makumi maviri nevatatu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

Musangano uyu wakapera paine kushushikana kuti zvinhu zvichamira seyi mushure mesarudzo sezvo vakawanda vachiri kufunga zvakaitika muna 2008, apo mauto akapindira akarambidza kuti VaMugabe vabvume kuti vakanga vakundwa musarudzo yemutungamiri wenyika namuchakabvu Morgan Tsvangirai.

Musangano uyu wakarongwa nemasangano avana chipangamazano emuAmerica e International Republican Institute neNational Endownment for Democracy.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG