Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakasaina svondo rapera bhiri rekuregererana nekugarisana zvakanaka, kana kuti National Peace and Reconciliation Commission Bill, kuti richive mutemo.
Mutemo uyu une chinangwa chekubudisa pachena mhosva dzakaparwa, kuregererana uye kugarisana zvakanaka kwevanhu vose munyika.
Nyanzvi munyaya dzemitemo dzemitemo dzinoti komisheni iyi inofanirwa kuongorora kuurayiwa kwevanhu munguva yeGukurahundi uye mhirizhonga yakaitika pasarudzo muna 2008.
Munguva yeGukurahundi, vanhu vanodarika makumi maviri ezviuru vakaurayiwa mumatunhu eMidlands neMatabeleland.
Musarudzo dza 2008, zviuru nezviuru zvenhengo dzeMDC zvakaurayiwa kana kuparadzirwa misha nevatsigiri veZanu PF vanozivikanwa mumatunhu akawanda.
Sangano rinoona nezvekodzero dzevanhu, reZimbabwe Peace Project, rinoti rinotambira mutemo uyu nemufaro kunyange hazvo paine zvimwe mukati mawo zvisingavafadzi.
ZPP yadoma kupiwa marishoma kwakaitwa komisheni iyi uye nenguva pfupi yasara kuti basa iri riitwe nemazvo sezvipingaidzo zvichasangana nekomisheni iyi.
Nyanzvi mune zvamatongerwo enyika, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDehwa Mavhinga, vanoti paramende, kwete gurukota rehurumende, ndiyo inofanira kuona nezvekufambiswa kwemutemo uyu.
VaMavhinga vatiwo nguva yasarirwa nekomisheni iyi kuti iite rayo ishona zvikuru, sezvo yaifanirwa kunge yakatanga basa ravo muna 2013.
“Dambudziko guru riripo nderokuti mutemo uyu unongogara kwemakore gumi chete kubva pakatanga bumbiro idzva remutemo riripo remuna 2013. Kureva kuti ikozvino patosara makore mashomanani mutemo uyu uripo.”
VaMavhinga vatiwo mutemo uyu une hupenyu hwemakore gumi chete uripo kureva kuti muna 2023 unofanira kunge wave kupera.
“Nguva yakapiwa komisheni iyi yekuti inofanira kuve yapedza basa rayo muna 2023 ishoma nekuti vakanonoka kuigadza,” vadaro VaMavhinga.
“Zvinodiwa kuti pawedzerwe nguva kuti pave nemakore gumi azere kwete zviripo ikozvino zvekuti komishini inofanira kupedza basa muna 2023.”
Facebook Forum