Komisheni inoona nezvekupodzwa kwemaronda pamwe nekuregererana, yeNational Peace and Reconciliation Commission, iri kutarisirwa kutanga kushanyira matunhu emunyika kubva musi wa 9 mwedzi uno, ichinzwa kubva kumapoka akasiyanasiyana pamusoro penyaya dzakasiyanasiyana dzine chekuita nemitemo, kupodzwa kwemaronda pamwe nekuregererana.
Zvikwata zviviri zvekomisheni iyi zviri kutanga nekushanyira matunhu maviri anoti reGwanda kuMatabeleland South, neBindura, kuMashonaland Central.
Izvi zvinotevera kusainwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, kwebhiri reNational Peace and Reconciliation Commission Bill kuti uve mutemo, kuitira kuti komisheni iyi ikwanise kutanga kushanda.
Komisheni iyi, iyo ine vanhu vasere, yakaumbwa muna 2016, asi yanga isati yatanga kuita basa.
Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti komisheni iyi yakatarisana nebasa guru kwazvo, zvikuru panyaya yeGukurahundi, pamwe nenyaya dzine chekuita nemhirizhonga yezvematongerwo enyika.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, Doctor Wangu Mazodze vanoti kunyange hazvo komisheni iyi isina zita rinotaura nezvekuburitswa kwechikwadi, rakaita seTruth Commission, vanotarisira kuti ichapa vanhu mukana wekuburitsa chokwadi chezvose zvakaitika.
Doctor Mazodze vanoti komisheni iyi inofanirwa kusiyana nemamwe makomisheni akamboumbwa, asi akatadza kuburitsa zvaakaunganidza.
Vanotiwo vanotarisira kuti vezvematongerwo enyika havazombunyikidzi mashandiro ayo, zvekuti vanhu vanotya kuzotaura chokwadi pamberi pekomisheni iyi.
Facebook Forum