Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaAlvin Harry Junior Zhakata, vakapedza mazuva mashanu kubva muZimbabwe kusvika kuRwanda vachienda kunotsigira chikwata chema Warriors kumakwikwi eAfrican Nations Championships, 2016 CHAN.
VaZhakata vanoti vakambosangana nezvimhingamupinyi zvakati wandei uye hondo iri kuBurundi yakapa kuti rwendo rwavo rwuti rebei sezvo vakarambidzwa kupinda munyika iyi.
Vanotiwo vakatombobvunzurudzwa zvakasimba kuti sei vaida kupinda nemunyika iyi votyirwa kuti vainge voda kunoita zvehutororo.
VaZhakata vanoti vatambi vechikwata chemaWarriors vakafara zvikuru pavakavaona uye vakavimbisa kuti vachakunda mumakwikwi aya senzira yekuvatenda.