Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chinosarudza Kunoshanda neVarwere Vane Covid-19 MuNew York


Muzvare Chiwoneso Mpofu
Muzvare Chiwoneso Mpofu

Dunhu reNew York muAmerica ndiro ririkuona hudzamu hukuru hwechirwere checoronavirus kupfuura mamwe nematunhu ose muAmerica.

Kutaura kuno, kunyange hazvo huwandu hwevarwere nevarikufa hwave kudzika, dunhu reNew York rarasikirwa nevanhu vanopfuura zviuru makumi maviri nezvisere (28,000) asi vanhu vachingori kubatwa nekufa nechirwere ichi kupfuura mune mamwe matunhu muAmerica.

Gavhuna wedunhu reNew York, VaAndrew Cuomo, vakakumbira rubatsiro kubva kune vanamukoti navanachiremba nevamwe vari mubasa rezvehutano, kusanganisa vari pamudyandigere, kuti vaende kuNew York kunobatsira dunhu iri mukurapa nekuchengeta varwere vane Coronavirus.

Vazhinji kubva kumatunhu akasiyanasiyana vakazvinzwa vakaenda kuno batsira varwere vane coronavirus mudunhu reNew York.

Umwe wevakanzwa chikumbiro chaGavhuna Cuomo chizvarwa cheZimbabwe, Muzvare Chiwoneso Mpofu, uyo panguva iyo akange achishanda mudunhu re Ohio, muno muAmerica.

Muzvare Mpofu anoti panguva yaakange achifanirwa kunyorerana chibvumirano chebasa chitsva nechipatara chaaishandira kuOhio, akaona zvakakodzera kuenda kuNew York, uko kuchakangotarisana nedambudziko rechirwere che coronavirus, achiti ruzivo rwake rwurikudiwa zvakanyanya nevarwere ava kuNew York.

Muzvare Mpofu anoti kuve mukoti haisi nyaya yekutsvaka mari asi kuti chinhu chinenge chagara chiri muhana yemunhu.

Studio 7 yabata Muzvare Chiwoneso Mpofu kuti vatitsanangurire kuti sei vakafunga zvekupinda munzvimbo irikufiwa nevanhu vazhinji, pamwe chete nevanamukoti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG