Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose nhasi mukucherechedza zuva revanochengetedza mhuka dzesango, Rangers World Day.
Mutauriri webazi rezvekuchangetedzwa kwemhuka dzesango, VaTinashe Farawo, vati vari kurangarira zuva ranhasi vaine misodzi pamatama sezvo vakarasikirwa nemumwe wavo akatsikwa tsikwa nenyati akafa svondo rapera.
VaFarawo vati gore rino varasikirwa nevashandi vatatu vamwe vaviri
vakaurayiwa nevanovhima mhuka zvisiri pamutemo kuKariba.
VaFarawo vati bazi ravo rakaremera nekudaro rinoda ruyamuro rwemari nezvikwanisiro kumakambani akazvimirira ega kuitira kuti vakwanise kuchengeta mhuka nemasango zvakanaka.
Mumwe mugari wemuChinhoyi anofarira kuona mhuka dzesangano, Muzvare Cecilia Gombe, vati zvakakosha kuchengetedza mhuka neshiri sezvo kuchiita kuti mhuka dzisaparare zvachose kuitira kuti zvizvarwa zvemangwana zvikwanisewo kuona mhuka idzi.
Kunyange hazvo VaFarawo vasina kukwanisa kutipa huwandu hwemhuka dziri munyika, mamwe masangano anoona nezvemhuka pasi rose anoti Zimbabwe ine nzou dzinodarika zviuru zana, uye ndiyo nyika yepiri mushure meBotswana kuva nenzou dzakawandisa muAfrica.
Hwange National Park inonzi ine shumba dzinodarika mazana mashanu, uye kune masango akawanda ari muZimbabwe ane shumba dzakawandawo.
Dzimwe mhuka dziri muZimbabwe dzinosanganisira nyati, mbizi, ngwarati, mhofu, mvuu, makarwe, zvipemberere, makudo, mapere, mbada nedzimwe dzakawanda.
Facebook Forum