Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Voshora Dare reMakurukota raVaMnangagwa Rizere Varume Chete


Amai Lucia Matibenga
Amai Lucia Matibenga

Mapato anopikisa anoti haasi kutambira nemufaro dare remakurukota rakadomwa nemusi weChina nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Makurukota aya ari kutarisirwa kutoreswa mhiko neMuvhuro.

VaMnangagwa vakadoma dare remakurukota makumi maviri nevaviri, uye riine vanhukadzi vatatu chete vari mudare iri.

VaMnangagwa vakadomawo makurukota ematunhu gumi zvichireva kuti makurukota pasi pehurumende yavo anenge ari makumi matatu nevaviri, kunyange hazvo makurukota anomirira matunhu asingapinde mudare remakurukota.

Vakadzi vatatu vari mudare remakurukota ndiAmai Sithembiso Nyoni, gurukota rezvemadzimai nevechidiki; Amai Oppah Muchinguri Kashiri, gurukota rezvemamiririro ekunze uye Amai Priscah Mupfumira, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika.

Vanhukadzi vatatu vakaitwa makurukota ematunhu vanoti Amai Angeline Masuku (Bulawayo); Amai Rutendo Chikukwa (Harare), uye Amai Monica Mutsvangwa (Manicaland).

Mapato anopikisa anoti VaMngangwa vaifanira kunge vakaremekedza zviri mubumbiro remitemo yenyika zvinovasungira kuti vaone kuti zvinzvimbo zvevanhukadzi zvawedzerwa muhurumende.

Mutungamiri wechimwe ckwata chePeople's Democratic Party, PDP, Amai Lucia Matibenga, vanoti vakagara vazviona kare kuti VaMnangagwa munhu weZanu PF nokudaro havatarisiri kuona kushanduko inobva kumunhu weZanu PF.

Chimwe chikwata che PDP chinotungamirwa naVaTendai Biti.

Amai Matibenga vanoti vanhukadzi vacharemekedzwa zvido zvavo kana veruzhinji vakabvisa Zanu PF musarudzo dzegore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG