Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Kuratidzira Kwayo Kuri Kuenderera Mberi neMusi weChishanu


Some of the people who participated in the MDC Alliance protests in Harare on Tuesday.
Some of the people who participated in the MDC Alliance protests in Harare on Tuesday.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti iri kuenderera mberi nehurongwa hwayo hwekuratidzira nemusi weChishanu, kunyange hazvo isati yanzwa kubva kumapurisa.

MDC yakazivisa mapurisa svondo rapera kuti ichapinda mukuratidzira uku sezvinodiwa nemitemo yenyika.

Asi bato iri rinoti kusapindura kwemapurisa hakusi kuzotadzisa hurongwa hwekuratidzira uhu, sezvo bumbiro remitemo yenyika ichiripa kodzero yekuratidzira.

MDC inoti iri kuratidzira sezvo isiri kufara nehutongi hwemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, avo bato iri rinoti haricherechedzi kusarudzwa kwavakaitwa gore rapera.

Sangano rinoona nezvesarudzo munyika, reZimbabwe Electoral Commission, rakazivisa gore rapera kuti VaMnangagwa ndivo vakanga vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Asi MDC yakapikisa izvi mudare reConstitutional Court, iro rakapa mutongo waitambira zvakanga zvaziviswa musarudzo dzegore rapera nasachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba.

Asi MDC inoti VaMnangagwa vari kutadza kugadzirisa zviri kunetsa munyika, izvo zviri kupa kuti nyika ishaye magetsi, mafuta edzimotokari, uye kukwira kwemitengo yezvinhu mazuva ose.

Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vanoti kuratidzira kwavo kuchaitwa murunyararo sezvo vagara vari bato rinoremekedza mitemo yenyika.

VaChibaya vanoti zvisineyi kuti havasati vawana mhinduro kubva kumapurisa, kuratidzira kwavo kuri kuenderera mberi nemusi weChishanu.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vanoti MDC inogara yakati ichaita ratidziro murunyararo asi ichizopedzisira yaita mhirizhonga.

VaMutodi vanotiwo sebato reZanu PF riri kutonga, vari kuzviziva kuti MDC iri kuratidzira kuitira kuti VaMnangagwa vabviswe pachigaro.

“Vakuru vari kuti vachange vari mberi mekuratidzira uku ndinovayambira kuti vasazoyeuka bako vanaiwa,” vadaro VaMutodi.

Asi VaChibaya vanoti vari kuzviziva kuti Zanu PF iri kugadzira zvipfeko zveMDC zvichapihwa vanhu kuti vazovhiringa kuratidzira kwakarongwa nebato ravo.

Senzira yekuti izvi zvisaitike, VaChibaya vanoti vachange vaine nhengo dzebato ravo dzichachengetedza runyararo, uye pakaita nhubu dzinoda kukonzera mhirizhonga, vachadzibata vachidziisa mumaoko emapurisa.

Muna Ndira, sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rakadaidzira kuti vanhu vagare mudzimba dzavo kwemazuva matatu.

Asi vanhu vakapinda mumigwagwa iyi vachiratidzira.

Kuratidzira uku kwakapedzisira kwaita mhirizhonga iyo yakaona vanhu vanosvika makumi maviri vachifa mushure mekupfurwa nemabara epfuti.

Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, rinoti pamhirizhonga yakaitika muna Ndira, pane vanhu makumi matanhatu nevasere vakarapwa maronda akakonzerwa nemabara epfuti, uye vanhu vanodarika zana vaive nemaronda airatidza kuti akakonzerwa nesimbi nezvimwe zvombo zvinocheka.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti mumazuva matatu akadaidzirwa neZCTU kuti vanhu vagare mudzimba dzavo, vakaona mapurisa achishandisa zvombo zvehutsi hunokachidza pavanhu vairatidzira vasina zvombo, uye vakaonawo masoja aive nepfuti dzemhando yeAK-47.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG