Accessibility links

Breaking News

Vakuru veInnscor Africa Vowanikwa Vari muPanama Papers


Usibalukhulu weRBZ, uDr John Mangudya
Usibalukhulu weRBZ, uDr John Mangudya

Banga guru renyika rinoti harina kupa mvumo vakuru vaviri vekambani ye Innscor Africa, kuti vavhure mabhuku ekubanga kunze kwenyika vachishandisa mari yemunyika..

Banga guru renyika rinoti harina kupa mvumo vakuru vaviri vekambani ye Innscor Africa, kuti vavhure mabhuku ekubanga kunze kwenyika vachishandisa mari yemunyika.

Izvi zvinotevera mashoko ari kubuda mumagwaro akafukunyurwa e Panama Papers ayo anoti vakuru vakuru vaviri vekambani iyi, Va Zinona Koudounaris naVa Michael Fowler, vakaumba makambani kuchitsuwa cheBritish Virgin Islands, ekuti vachengete mari dzavo.

Mumagwaro ari muma Panama Papers, vaviri ava vakaumba makambani anoti Federated Properties, Skyfox, Acia Aero Limited ne Acia Aero Holdings.

Vachipa chikonzero chekuumba makambani aya kukambani yaivabatsira yeMossack Fonseca, vaviri ava vakati makambani aya aiva ekuchengetedza mari dzavanotambira ku Innscor. Va Koudounaris naVa Fowler vakabatsirwa kuumba makambani aya nekambani ye Northern Wychwood, iyo iri ku Isle of Man.

Kambani iyi inozivikanwawo nekubatsira makambani pamwe nevanhu vemuZimbabwe vanenge vachida kuvamba makambani anochengeta mari dzavo mhiri kwemakungwa.

Asi ongororo yakaitwa neStudio7 inoratidza kuti mune dzimwe nguva, kambani yeNorthern Wychwood, inofurira makambani kutyora mitemo kuburikidza nekuita zvinotyora mitemo yekufambiswa kwemari pakati penyika dzakasiyana siyana.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti kuburitsa mari dzakawanikwa muZimbabwe dzichinoiswa mumabhanga ari kunze kwenyika zvinofanirwa kuitwa chete mushure mekunge munhu, kana kambani yacho, yapihwa mvumo ne Reserve Bank of Zimbabwe.

Sachigaro webhodhi re Innscor Africa, uye vari chipangamazano munyaya dzemitemo kukambani iyi, Va Addington Chinake, vanoti hapana mutemo wakatyorwa naVa Koudounaris naVa Fowler. Va Chinake vanoti zvose zvakaitwa nevaviri ava zvaiva pamutemo, kusanganisira mitemo ye Reserve Bank of Zimbabwe.

Pavakabvunzwa kuti vatsanangudze hukama hwevaviri nemakambani aya, VaChinake vakati hapachina mhinduro inobva kwavari panyaya iyi.

Asi VaMangudya vanoti bhanga ravo harina ruzivo nezviri kuitwa nevakuru ve Innscor Africa kunze kwenyika, sezvo vasina kuziviswa.

Magwaro akaonekwa neStudio7 anoratidza kuti VaKoudounaris naVaFowler vakatumira kuMossack Fonseca magwaro ekufambisa pamwe nemagwaro emitero yavanobhadhara kukanzuru. Magwaro aya ane ruoko rwaVaAndrew Lorimer, vanova munyori weInnscor Africa.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaLorimer.

Pamagwaro aya panoratidza kuti VaKoudounari vanogara muna Bassett Crescent muAlexandra Park, ukuwo VaFowler vachigara muna Willowmead kuColne Valley muHarare.

Muna Ndira gore rapera, mushandi wekuNorthern Wychwood, Muzvare Sophia Birchall, vaknyorera veMossack Fonseca tsamba achivaudza kuti mari yaizoiswa mumakambani aya, yaiva mari inotambirwa nevarume vaviri ava ku Innscor Africa.

Mamwe magwaro anoratidza kuti VaKoudounaris ndivo munhu anofanirwa kuwana mari iri muSkyfox. Innscor International ine zvikamu makumi masere kubva muzana zvehupfumi huri mu Skyfox, ukuwo Chimanimani Holdings iine zvikamu makumi maviri kubva muzana.

Vakuru vakuru mukambani yeFederated Properties vakuru vekambani yeNorthern Wychwood vanoti Bryan Ellis naVa Brett Hurst. Vaviri ava zvizvarwa zveZimbabwe, kunyange hazvo VaEllis vava kushandisa gwaro rekufambisa rekuIreland.

Vakuru vakuru veAcia vakuru zvakare veNorthern Wychwood vanova VaHurst, VaPeter Whitney Fearnhead naVa Calvin Lance Maughan. VaFearnhead vakakurira muZimbabwe, asi pari zvino vava negwaro rekufambisa remuBritain.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti vakuru veNorthern Wychwood vari kushandiswa sevakuru vari pabasa pamakambani aVaKoudounaris naFowler zvichitwa senzira yekuvanza VaKoudounaris naVa Fowler, vanova varidzi vekambani iyi.

Magwaro ePanama Papers ari kukonzera mitauro munyika dzakawanda. Vanhu vemu Iceland vakaratidzira zvakasimba pakabuda mashoko ekuti mutungamiri wenyika iyi, VaDavid Sigmundur Gunnalaugsson, vaivanza hupfumi hwavo huri mhiri kwemakungwa. Izvi zvakaita kuti mukuru uyu asiye basa kutanga kwemwedzi wapfuura.

Mwedzi wapera, nyika dzinoti France, Germany, Australia, South Korea nedzimwe dzakawanda dzakati dziri kuferefeta vose vakadomwa muma Panama Papers.

Magwaro anodarika mamiriyoni gumi nerimwe akapihwa bepanhau rekuGermany, Sueddeutshe Zeitung, nemumwe munhu asiri kuda kubuda pachena. Bepanhau iri rakaronga mushandira pamwe nesangano revatori venhau, re International Consortium of Investigative Journalists, iro rakakoka nhengo dzaro kuti dziongororo zviri mumagwaro aya.

Zimbabwe Service (Studio7) iri pakati pemasangano enhau anodarika zana ari kuongorora zviri muma Panama Papers.

Mangwana tiri kuburitsa mazita evanhu nemakambani ari mumagwaro ePanama Papers.

XS
SM
MD
LG