Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Inotsamwiswa neMabatiro eHurumende Nyaya yePeturu neDhiziri


Fuel Prices1
Fuel Prices1

Kambani yehurumende inotengesa mafuta edzimotokari yePetrotrade inoti kana hurumende ikaramba ichitara mitengo yekutenga nekutengeswa kwemafuta edzimotokari dambudziko rekushaikwa kwemafuta aya hariperi.

Vachipindura kukomiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto kuti dambudziko rekushomeka kwemafuta edzimotokari munyika ringapedzwe sei, vakafanobata chigaro chemukuru wePetrotrade, VaGodfrey Ncube, vati izvi zvinogoneka chete kana vemabhizimusi vakapiwa mukana wekunotenga mafuta vouya votengesa nemari yavanotara pachavo.

VaNcube vabvuma kuti kuita izvi kunokwidza mitengo zvakanyanya asi vati ndiyo chete nzira ingabudise nyika mudambudziko remafuta rave nemakore ane chitsama richinetsa munyika.

VaNcube vati kumirira mafuta anobva kuhurumende kuri kuita kuti mafuta ave mashoma munyika sezvo vari kuwaniswa mafuta aya nenguva iri kure.

VaNcube varatidza kushomeka kwemafuta ari kutengwa nerubatsiro rwunobva kuhurumende nemuenzaniso wavapa vachiti pamwedzi mitanhatu yekutanga gore rapera, vakatengesa mamiriyoni makumi mashanu emarita, asi munguva yakafanana iyi gore rino vakatengesa marita mamiriyoni makumi matatu ane matanhatu chete.

Vachibvunzwa kuti bazi ravo rinotarisira kupedza dambudziko rekushaikwa kwemafuta edzimotokari iri rinhi, munyori mubazi rezvemhando dzemoto, Amai Gloria Magombo, vati dambudziko iri haringaperi kana mari yekunze ichiri shoma munyika.

Vatiwo kugadzirisa dambudziko iri kunoda nyika yese kwete bazi ravo chete.

Vachibvunza nenyaya yekuti hurongwa hwekushandisa Smart Card mukutenga mafuta hwakataurwa nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, apo vaiti kadhi iri rinenge richiratidza huwandu hwemafuta anenge amwiwa nemotokari yega yega pagaraji rinenge rashandiswa kutenga mafuta aya, Amai Magombo vati hurongwa uhwu hwakadzorerwa shure nedenda reCOVID-19 vachiti pane zvaida kunotengwa kuChina.

Amai Magombo vati vanga vasingakwanisi kutaura kuti hurongwa uhwu hwuchabudirira rinhi kunyange hazvo VaMangudya vakaudza komiti iyi mwedzi wapera kuti vaitarisira kuti kupera kwemwedzi waChikumi vanenge vaedza kushandisa kadhi iri kuitira kti vaone kana richishanda sezvaitarisira.

Izvi zvatsamwisa zvakanyanya komiti yeparamende iyo yati inoona sekuti bazi rezvemhando dzemoto riri kutadza kuita basa rayo sezvo Amai Magombo vatiwo vatangawo kunzwa nenhengo dzekomiti iyi nhasi kuti magaraji mazhinji anotengesa mafuta munyika ari kutengesa nemari yemadhora ekuAmerica kana kuti makuponi anotengwa nemari yekunze .

Komiti iyi yati iru kushushikana zvikuru kuti mabasa akawanda ekuvandudza nyika ari kukanganiswa nekushaikwa kwemafuta edzimotokari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG