Accessibility links

Breaking News

Boka rekwaRegistrar-General Roronga Kuvhura Mahofisi emaPasipoti kwaMurehwa neChitungwiza


Hofisi yekwamabharani wenyika yoronga kurerutsira vagari vekwaMurehwa neChitungwiza.
Hofisi yekwamabharani wenyika yoronga kurerutsira vagari vekwaMurehwa neChitungwiza.

Mabharani mukuru wenyika kana kuti Registrar General, VaClemence Masangano, vazivisa kuti mahofisi avo achavhura mahofisi emapasipoti kuChitungwiza munguva pfupi inotevera senzira yekuderedza mitsetse yemapasipoti muHarare.

Vatiwo kunyange hazvo vaine mahofisi emapasipoti mumatunhu ese munyika, hofisi yavo kudunhu reMashonaland East iri kuMarondera haisvikike nyore nevanhu vanobva kune dzimwe nzvimbo mudunhu iri dzakaita seMaramba-Pfungwe neUzumba, izvo zvave kuita kuti vavhure imwe hofisi yemapasipoti paMurehwa.

Vatiwo mahofisi avo akatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemari yekunze zvekuti vave kugadzira mapasipoti mashoma pane avanofanira kugadzira.

VaMasango vatiwo vanhu vanofanira kutorera vana vavo zvitupa zvekuzvarwa sezvo izvi zvichiitwa pachena kudzamara munhu ave nemakore matanhatu.

Vatiwo vanhu vanofanirawo kutora magwaro ekufa kana kuti maDeath Certificate, vachiti havakwanisi kubvisa munhu pamagwaro avo kana pasina avazivisa kuti munhu uyu akafa.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG