Hutano hwevanhu vanoshandisa zvipatara zvehurumende hwave parumananzombe nekuda kwekukusavapo kwavanachiremba navanamukoti avo vari kuramwa mabasa.
Pashanyirwa chipatara cheParirenyatwa, zvinhu zvanga zvakaita manyama amire nerongo.
Kunosvikira varwere kwanga kusina varwere vanga vachitambirwa, ukuwo varwere vari muchipatara vachiti vave nemazuva vasina kuonekwa nanachiremba.
Mumwe murwere ane chirwere chegomarara repachiropa neparwatata, Amai Edith Kanyange, avo vanga vauya kuzopiswa gomarara iri kuParirenyatwa, vanoti dai hurumende yaita hurukuro nana chiremba kuti ivo sevarwere vakwanisewo kurapwa.
VaTawex Wemhere vati vane murwere wavo akatsikwa nemota nemusi weSvondo, asi haasati amboonekwa nana chiremba kusvika pari zvino.
Mumwe ari kurwadzikana nezviri kuitika muzvipatara zvehurumende, VaPeter Duri, vatiwo mwana wavo akatsikwa nemota akatyoka gumbo, ave kutoora gumbo racho sezvo asina rubatsiro rwaari kuwana muchipatara cheParirenyatwa.
Mumwe mukoti asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti kushaikwa kwevakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, VaPeter Magombeyi, kwavhiringa zvinhu zvese muzvipatara.
Mukoti uyu ati panosiramwa basa navachiremba, vanosiwana vamwe vanouya kubasa nekuda kwezvitendero zvavo asi kubva musi weSvondo, hakuna chiremba ari kuuya kubasa.
Mukoti uyu atiwo hakuna vana chiremba vati vauya kubva kumauto sezvakavimbiswa negurukota rezvehutano.
Gurukota rezveutano, Dr Obadaiah Moyo, nezuro vakaudza vatori venhau kuti vanachiremba vekumauto nemapurisa vaizonobatsira kuzvipatara zvehurumende mushure mekunge vana chiremba vati havasi kuzoshanda zvichitevera kunyangarika kwaDr Magombeyi neMugovera.
Vaimbove gurukota rezveutano, Doctor Henry Madzorera, avo vanova nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vanotikusashanda kwavanachiremba kukaramba kuchienderera mberi, kuparadza bazi rezveutano zvachose.
Vanachiremba vanoti havasi kuzoenda kumabsa kusvika VaMagombeyi vawanikwa vari mutano.
Vanachiremba vanotiwo vanofungidzira kuti kupambwa kwaVaMagombeyi kune chekuita nekumiririra vanachiremba mukuedza kuti mihoro yavo iwedzerwe.
Mubatanidzwa wemakereke pasi peZimbabwe Heads of Christian Denominations unotiwo makereke ari kushushikana zvikuru kuti hapasati pamboita munhu asungirwa mhosva yekupamba vanhu zvisinei nekuti izvi zviri kuitika munyika.
Vachitaura mushure megwaro ravanyorera kuhurumende, Reverend Kenneth Mtata veZimbabwe Council of Churches, vatiwo kana zviri kutaurwa nehurumende zvekuti pane ruoko rwuri kuita zvakasarurama zvekupamba vanhu, hurumende inofanirwa kuona kuti vari kupara mhosva idzi vasungwa.
Kudzamara hurumende yagadzirisa zviri kudiwa navana chiremba, vanhu vakawanda vakaita sevarwere vari kuParirenyatwa, Harare General Hospital nezvimwe zvipatara zviri munyika, vacharamba vachiomerwa nehutano, izvo zvinogona kutora hupenyu hwavo.
Facebook Forum