Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza MDC Kuratidzira muGweru neMasvingo


Mauto achiita toyi toyi muGweru.
Mauto achiita toyi toyi muGweru.

Mapurisa akarambidza zvakare MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa kuratidzira kwayanga yakaronga kuita muguta reGweru nemusi weChipiri pamwe neMasvingo musi weChitatu.

Mapurisa anonzi akashandisa zvakare chikamu chemutemo wePublic Order and Security Act, POSA, sezvaakaita achimisa kuratidzira mumaguta eHarare neBulawayo.

Mauto aonekwa achiita toyi toyi muguta reGweru izvo asingaiti nguva zhinji zhinji.

Murongi wemisangano muMDC, Va Amos Chibaya, vanoti havana kuenderera mberi nekuratidzira kwavo muGweru zvichitevera chiziviso chavakapihwa manheru eMuvhuro.

VaChibaya vanotiwo vatambira mashoko kubva kuMasvingo ekuti mapurisa azivisa zvakare kuti kuratidzira kwavanga vakaronga muguta iri nemusi weChitatu, hakusi kuenderera mberi zvichitevera kushandiswa kwegwaro re prohibition order kwaitwa nemapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe zvapa kuti kuratidzira uko kusaenderere mberi zvakare.

Izvi zvava kureva kuti mapurisa arambidza MDC kuratidzira mumaguta mana anoti Harare, Bulawayo, Gweru neMasvingo, achipa chikonzero chimwe chete.

Pava nekutyirwa kuti mapurisa anogona kurambidza zvakare kuratidzira kwayakaronga kuita kwaMutare nemusi weChina.

MDC inoti iri kuda kuratidzira kusafara kwayo sezvo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kutadza kugadzirisa zvinhu munyika munyaya dzehupfumi.

MDC inoti haisi kufara nekukwira kuri kuita mitengo yemafuta edzimotokari, kushaikwa kwemari yemunyika, huori hwainoti ndihwo hwaparadza nyika pamwe nekuremekedzwa kwekodzero dzevanopikisa hurumende.

Asi hurumende inoti iri kurambidza kuratidzira uku sezvo MDC iine hurongwa hwekuda kubvisa hurumende nenzira dzisingatambirwe nebumbiro remitemo yenyika.

Asi MDC inoti ikodzero dzayo dzekuratidzira sezvinodiwawo nebumbiro remitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG