Mapurisa ane zvombo zvehondo aswera ari mumigwagwa muHarare nenzvimbo dzakatenderedza guta guru renyika, ukuwo vechidiki veZanu PF vachiti havasi kuzobvumidza mhirizhonga pakuratidzira kuchaitwa neMDC neChishanu.
Mapurisa anodzirivirira nyonga nyonga anga aine zvombo zvehondo zvinosanganisira pfuti nemboma aswera achitenderera mumigwagwa yeHarare neChitungwiza zvichetevera chisungo chedare remakurukota nezuro chekuti hurumende itore matanho ekuchengetedza runyararo pakuratidzira kweChishanu.
Mapurisa ange achitenderera nemigwagwa asingavhiringe vanhu uye mamwe ndiwo ange achitongotenderera nemotokari dzinodira mvura inovava.
Mamwevo ange aine motokarai dzine ma Loud Speaker achiyambira veruzhinji kuti vasiyane nemhirizhonga vachiti kana munhu asungwa anoenda kujeri ega kwete nevakaronga kuratidzira.
Mapurisa ange achikukurudzirawo veruzhinji kuti vaite basa ravo sezvavanoita mazuva ose sezvo vanenge vakachengetedzwa.
Vagari vemuHarare vakawanda vanoti hapana chakaipa pakuvepo kwemapurisa mumigwagwa vachiti zvakakosha kuti mapurisa achengetedze runyararo nezvivakwa nemidziyo yevanhu.
VaRaymond Gano vaudza Studio7 kusvika pari zvino hapana chavanoshora pane zviri kuitwa nemapurisa.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemukati menyika, VaCain Mathema, kuti mapurisa manganic adirwa mumigwagwa sezvo vanga vasingabatike sezvo vanzi vanga vari mumusangano wePolitburo.
Studio7 yabata mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, avo vati havakwanisi kutaura sezvo vanga vachangodzoka munyika.
Asi murongi wemusangano muMDC uye vachange vachitungamira hurongwa hwekuratidzira mangwana, VaAmos Chibaya, vaudza Studio7 vati vanofara chose nekuwanda kwemapurisa nekuti ari kuita basa rawo rekuchengetedza runyararo.
Panyaya yerunyerekupe rwekuti kuratidzira uku kungangomiswa mushure mekunge mapurisa awana rhekeni nematombo anonzi anogona kunge ari kuda kuzoshandiswa pakuratidzira, VaChibaya vati vacharatidzira murunyararo uye havadi mvumo kubva kumapurisa kuita izvi.
Asi mumwe wechidiki mubato reZanu PF, VaTendai Chirau, vanoti kunyange hazvo kuratidzira kuchibvumidzwa pamutemo havasi kuzorega pachiitika mhirizhonga sezvakaitika muna Ndira apo pakafa vanhu vanodarika gumi nevashanu uye pakaparadzwa zvinhu zvinokosha mamiriyoni makumi matatu emadhora ekuAmerica pakuratidzirwa kwainge kwakarongwa neZimbabwe Congress of Trade Unions.
Imwewo nhengo yeZanu PF Youth League, Muzvare Christina Taruona, vatiwo kunyange hazvo bumbiro remitemo richibvumidza vanhu kuratidzira, rinovapawo mvumo yekuzvidzivirira kubva kumhirizhonga.
Mutauri wevechidiki muMDC, VaStephen Sarkozy Chuma, varamba mashoko ekuti bato ravo richakonzera mhirizhnga vachiti zvese izvi zviri kutaurwa nevanhu vanoda kusvibisa zita ravo.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza chikwata chiri kushanya munyika cheAfrican Court for Human and Peoples’ Rights kuti MDC ichabvumidzwa kuratidzira murunyararo asi ikaita mhirizhonga ichazvionera pamhino sefodya.
Facebook Forum