Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anonetsana neVatsigiri veMDC Alliance Vanga Vaungana paMatare eDzimhosva


Armed Riot Police Presence in Harare Zimbabwe Elections
Armed Riot Police Presence in Harare Zimbabwe Elections

Pamboita bongozozo guru pamatare edzimhosva nhasi apo vatsigiri veMDC Alliance vanga vachinetsana nemapurisa mushure mekunge vaungana panzepedareapomutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, vanga vari mudare nenyaya yekunzi vakakurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati gore rapera.

Vatsigiri veMDC Alliance avo vanga vakatakura zvinyorwa zvanga zvichikurudzira kuti matare asunungure VaSikhala nedzimwe nhengo dzeMDC Alliance dzinosanganisira mumiriri weHarare West muparamende Muzvare Joanna Mamombe, nhengo dzekomiti yepamusoro yeboka revechidiki mubato iri dzinoti Muzvare Cecelia Chimbiri naVaMakomborero Haruzivishe, vaswera vachiita hwekiti negonzo nemapurisa pamatare pamwe nepakati pedhorobha panguva iyo VaSikhala vanga vari mudare.

Mapurisa anga akapakatira zvombo aswera achimhanyisananenhengo dzeMDC Alliance idzo dzanga dzichiratitidzira padare ramejasitiriti pakutanga kutongwa kwenyaya yaVaSikhala avo vari kupomerwa mhosva yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati musi Chikunguru 31 gore rapera mukuratidzira kwakanga kwashevedzerwa neboka riri kuzvidaidza kuti July 31st Movement iro raitunganirwa naVaJacob Ngarivhume.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe kuti pane vasungwa here mukuratidzira kwaitika pamatare apa sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi VaNyathi vanogara vakataura kuti vose vanoratidzira vanofanira kutanga vapihwa mvumo nemapurisa uye vanofanira kuratidzira murunyararo vachitevedzera mutemo.

Mudare, muchuchisi wenyaya iri kupomerwa VaSikhala, VaGarudzo Ziyadhuma vakumbira kuti nyaya iyi ipfudzirwe mberi vachiti pane humbowo hwavakasvitsa hunoroverera VaSikhala hwavakaendesa kunana mazvikokota vachida kuti vagozozvitsa humbowo uhwu kudare hune hudzamu vakakumbira dare kuti rizonzwa nyaya iyi musi wa29 mwedzi uyo.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeramiah Bamu, vati vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare vachiti vasvitsawo kudare kuti kupfuudzirwa mberi kwenyaya iyi kunoratidza pachena kuti hurumende yaitsvaga uta nemugate payakasunga VaSikhala.

VaBamu vati vapokana nechikumbiro chemagweta ehurumende ichi.

Mutongi wedare, VaStanford Mambaje, vati vachatura mutongo wavo neChitatu svondo rinouya pachikumbiro chehurumende ichi.

Mune imwewo nyaya, MDC Alliance inoti inotambira nemufaro mutongo wakaturwa nedare repamusoro reHigh Court nezuro wekuti nhengo dzeMDC Alliance nhanhatu dzinosanganisira mutevedzeri wemutungamiri webato iri, VaTendai Biti, dzakadzingwa zvisiri pamutemo muparamende nebato rePeople’s Democratic Party inotungamirwa naAmai Lucia Matibenga.

Mutongi wedare repamusoro, VaAmy Tsanga, vakatura mutongo wekuti munhu akanyora tsamba yekudzinga VaBiti nevamwe vavo vashanu muparamende, VaBenjamin Rukanda, havasivo munyori mukuru webato rePDP ari pamutemo.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vati kudzingwa kwenhengo dzavo muparamende hakusi pamutemo vachiti Zanu PF iri kuedza kuaparadza bato ravo.

Hatina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZanu PF VaSimon Khaya avo vati vachatifonera kunyange hazvo pataenda pamhepo vanga vasati vafona. Hatinawo kukwanisa kutaura naAmai Matibenga avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo pataenda pamhepo uye havana zvakare kupindura mibvunzio yatavatumira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG