Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Acharamba Achisunga Vanotyora Mitemo yeCovid-19


Police are enforcing lockdown regulations in Zimbabwe. (VOA)
Police are enforcing lockdown regulations in Zimbabwe. (VOA)

Mapurisa anoti ari kuenderera mberi nekusunga vedzimotokari dzinotakura veruzhinji vasiri kutevedzera mitemo yekudzivirira chirwere cheCovid-19 munzvimbo dzakavharwa nehurumende mudunhu reMashonaland West.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa emapurisa mudunhu reMashonaland West, Assistant Commissioner Martin Nyirenda, vakaudza musangano wedunhu weCivil Protection Unit, CPU, musi weChitatu kuti vari kushanda nemauto pamwe nevasori kubata vanhu vari kutyora mitemo
yekuderedza chirwere cheCovid-19.

VaNyirenda havana kupa huwandu hwevanhu vabatwa nemapurisa kusvika pari zvino asi vakati vakabata mabhazi anotakura vanhu vanoenda kuZambia kunohodha mapfumbamwe kusanganisira mabhazi ehurumende eZupco maviri.

VaNyirenda vakati vari kubatawo zvizvarwa zvekuZambia izvo zviri kupinda munyika zvisiri pamutemo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana zvinosanganisira kuvhima zvisiri pamutemo avo vari kutanga vaongororwa kuti havana chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete.

Sachigaro weCPU mudunhu diki reHurungwe iro rakavharwa, VaAndrew Tizora, vakati mapurisa ari kutadza kuita basa ravo nemazvo sezvo aine motokari imwechete pamawadhi makumi matatu nematanhatu uye inenge isina mafuta ekufambisa nguva dzakawanda.

VaNyirenda vakabvuma kuti semapurisa havana zvikwanisiro zvakakwana kuti vaende panzvimbo dzose dzavanofanirwa kusvika nenguva.

Vakabvumawo kuti rimwe dambudziko nderekuti motokari dzinotakura venhu zvisiri pamutemo dzemushikashika ndedzevakuru vemuhurumende nemapurisa avo vanofona vachikumbira kuti motokari dzavo dziregedzwe kana dzasungwa.

VaTizora vakaudza musangano uyu uyo wakapindwa nevakuru vemapazi ehurumende kuti dunhu ravo harichisina nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Mapurisa akazivisawo kuti nekuda kwekuvharwa kwenzvimbo dzekutandarira vanhu vave kunwira doro mudzimba kana kuti mashabhini nzvimbo dzavanoti vanhu vanenge vasingatevedzeri mitemo yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Mutauriri wemapurisa munyika, Asstistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti havasati vave nehuwandu hwese hwevanhu vakasungwa munzvimbo dzakavharwa mudunhu reMashonaland West sezvo matunhu madiki ose asati avapa huwandu hwawo.

Dunhu reMashonaland West riri kuramba riri pamusoro pavanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika.

Pavanhu gumi nevanomwe vakaziviswa nebazi rezvehutano kuti vakafa nezuro nekuda kwechirwere cheCovid-19 vapfumbamwe ndeve mudunhu reMashonaland West uye pavanhu mazana masere ane makumi maviri nevatanhatu, 826, vakabatwa nechirwere ichii nezuro wakare, mazana maviri
ane makumi masere nemumwe chete, 281, ndevemudunhu iri zvakare.

Pavanhu zviuru zvishanu zvine makumi manomwe nevatatu, 5 073, vachiri kurwara neCovid-19, chiuru chimwe chete chine mazana masere nemakumi mana nevana,1 844, ndeve mudunhu reMashonaland West.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG