Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vari kukatyamadzwa zvikuru kuona kuti gwaro rabudiswa nehurumende pamusoro pevanhu vachasangana nenhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, hapana mapato anopikisa kana masangano akazvimirira.
Amai Alena Douhan vari muZimbabwe mavari kutarisirwa kuongorora nyaya dzezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vakuru mubato reZanu-PF, pamwe chete nemabhizimisi avanodyidzana navo.
Amai Douhan vachitarisirwawo kuongorora nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.
Gwaro rakabudiswa nehurumende rinoratidza kuti Amai Douhan vachangosangana nemakurukota ehurumende, vakuru veReserve Bank of Zimbabwe, Zimbabwe Human Rights Commission naJustice Luke Malaba.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College, kuMassachusetts, Muzvinafundo Chipo Dendere, vanoti havaoni kuti rwendo rwaAmai Douhan pane zvaruchabudisa sezvo United Nations pachayo isina simba rekubvisa zvirango izvi, vachiti zvirango izvi zvakatemerwa neAmerica, pamwe nemadzisahwira ayo, anosanganisa Britain nedzimwe nyika muEuropean Union.
Vanoti chingabatsira vakatemerwa zvirango ndechekuti vataure nenyika dzakatemera zvirango izvi, vachiti panoenda VaMnangagwa kuBritain apa, vanogona kutaura nehurumende yeko, vachiratidza chido chekugadzirisa zvinhu pakati penyika mbiri idzi.
Muzvinafundo Dendere vanoti Amai Douhan vanozikanwa zvikuru pamusoro peongororo dzavanoita munyika dzinotyora kodzero dzevanhu, dzakaita seVenezuela, vachiti izvi zvinogona kukonzera kuti vakatemerwa zvirango muZimbabwe vasawana mukana wekumbotererwa nenyika dzakatemera zvirango izvi.
Facebook Forum