Kusawirirana pakati pemapato anopikisa eMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozane Khupe neMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa kuri kuramba kuchidzika midzi zvichitevera kudzingwa zvakare kudare reparamende kwedzimwe nhengo pfumbamwe dzeMDC Alliance.
Izvi zvinotevera tsamba yakanyorwa nebato reMDC-T kumutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, ichiti nhengo idzi dzidzingwe sezvo dzisiri kutevera bumbiro remitemo reMDC-T.
Kudzingwa kwenhengo pfumbamwe uku kunotevera kudzingwa kwedzimwe nhengo ina dzedMDC Alliance muna Chivabvu, izvo zvasvitsa huwandu hwevanhu vadzingwa muparamende hwasvika pagumi nevatatu.
Asi nhengo dzeMDC-Alliance dzinoti danho riri kutorwa neMDC-T iri nderekuda kuparadza bato rinopikisa iri, sezvo bato ravo risineyi nechekuita neMDC-T, iyo yakakwikwidza musarudzo dzemuna 2018 sebato rakazvimirira, ukuwo, MDC Alliance ichikwikwidzawo yakazvimirira semubatanidzwa wemapato manomwe.
Asi MDC-T inoti hakuna bato rinonzi MDC Alliance asi kuti mubatanidzwa, uyo bato reMDC-T raivewo nhengo munguva yesarudzo.
MDC Alliance iri kupomerawo MDC-T mhosva yekushandiswa nebato reZanu PF mune zvese zvairi kuita izvi nechinangwa chekuda kuparadza vanopikisa munyika.
MDC Alliance iri kupomerawo zvakare MDC-T mhosva yekutsigirwa nemapurisa nemauto, sezvinonzi zvakaitika apo MDC-T yakatora muzinda weMorgan Richard Tsvangirai, ichinzi yakabatsirwa nemapurisa nemauto.
Asi veMDC-T vanoti havana kubatsirwa nemapurisa kana nemauto, asi kuti vakashandisa mutemo wenyika kutora chavo chakanga chapambwa neMDC Aliance.
Kunetsana uku kunosiya papi vanhu vakasarudza nhengo dzeparamende idzi kuti dzivamirire kudare reparamende?
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya vanoti mutemo unofanirwa kuteverwa asi vanhu vane masimba ekuenda kumatare edzimhosva vachipikisa danho rekubvisirwa vamiriri wavo muparamende.
Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaTendai Reuben Mbofana, vanoti kudzingwa kwenhengo dzeparamende uku kunokanganisa matunhu adzinomirira nekuti dzinenge dzisisina vamiriri.
Facebook Forum