Vanoongorora zvematongerwo enyika vane maonero akasiyanasiyana panyaya yemamiriro achange akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika mugore ra2016.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira uye vari sachigaro weZanu PF mudunhu reUnited Kingdom, VaNick Mangwana, vanoti vanofunga kuti hapana chinoshanduka sezvo zvinhu zvakagadzikana kwazvo munyaya dzezvematongerwo enyika munyika.
VaMangwana vanoti kuwanda kwemapato ezvematongerwo enyika hausi mucherechedzo wekuti zvinhu zviri kuoma kwete, asi kuti vamwe vave kuita izvi senzira yekutsvaga nayo mari.
“Zvinhu muZimbabwe zvakanakana kwazvo, chinongoda kugadziriswa chete inyaya yehupfumi,” VaMangwana vanodaro.
Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika Vachitungamira sangano reYouth Intiative for Democracy in Zimbabwe, VaSydney Chisi, vanotiwo vanofunga kuti 2016 achange akaomera vana veZimbabwe, sezvo Zanu PF inenge yogadzirira sarudzo, uye kunetsana kuri mubato iri kunogona kuwedzera kuparara kweupfumi.
VaChisi vanoti gore rino ndiro richaratidza kuti zvinhu zvakamira sei kusvika nyika yaita sarudzo.
"Panyaya yekutongwa kuri kuita Zimbabwe panguva ino iyi zvinhu handingati zvakamira zvakanaka, nekuti VaMangwana vangati zvavo zvinhu zvakamira zvakanaka, asi tingaiti negative peace nekuti vanhu magariro avakaita haana kumira zvakanaka," vanodaro VaChisi.