Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanozivisa Kuti Vacharamwa Mabasa Panopera Mazuva Gumi neMana


Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuwedzerwa mari dzavnotambira, uye kuti vatambiriswe nemari yekuAmerica.
Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuwedzerwa mari dzavnotambira, uye kuti vatambiriswe nemari yekuAmerica.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, razivisa hurumende kuti nhengo dzaro dzicharamwa mabasa panopera mazuva gumi nemana kutanga nezuro sezvo vasina mari dzekushandisa kumabasa.

Mutsamba yakasvitswa kuboka republic Service Commission nezChipiri, sangano iri rinoti hurumende haina zvairi kuitawo mukugadzirisa dambudziko rakatarisana nevashandi vayo rekushaikwa kwemari iri.

Apex Council inotiwo kunyange hazvo pakaitwa misangano yakawanda pakati pevamiriri vevasandi nehurumende, hapana chakabuda chinobatsira vashandi.

Izvi zvinouya panguva iyo varairidzi vakazivisawo kuti vacharamwa mabasa nekuda kwekushaiwa chekufambisa.

Vanachiremba vachiri pakuramwawo mabasa vachida kuti hurumende ivawedzere mari dzemihoro, uye kuvatambirisa mari yekuAmerica.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Citizens Initiative, VaPromise sande, vanoti vanoona sekunge danho ratorwa nevashandi vehurumende iri rakanaka, vachiti izvi zvinoita kuti hurumende isiyane netsika yekukohwa paisina kurima.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rePublic Service Commission panyaya iyi. asi vane ruzivo nezvenyaya iyi vanoti boka iri ratambira tsamba iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG