Hurumende inonzi yakundikana zvakare kuzivisa vashandi vayo mazuva avachawana mihoro yaChikunguru.
Izvi zvinotevera musangano unonzi washevedzerwa negurukota rezvevashandi nemabasa Amai Priscah Mupfumira wapindwa nehutungamiri hwe vashandi, uyo unonzi wapera usina chasungwa.
Amai Mupfumira vanonzi vazivisa hutungamiri uhwu kuti musangano uyu wanga wakangonangana nekuvazivisa mamiriro akaita zvinhu panyaya yemihoro yavo, uye nekuti hurumende iri kuedza napose painogona kuti itambirise vashandi vayo paine nguva.
Sachigaro weApex Council Amai Cecilia Alexander vanoti Amai Mupfumira wavavimbisa kuti vachasangana navo zvakare neChishanu svondo rino kuti vavape mazuva emihoro aya.
“Tanosangana na minister, asi kuti hatina kuenda seApex Council, vanga vandidaidza ini semutungamiri wevashandi ndikaendawo ne leadership yedu, vachida kuti vatiudze kuti vasvika papi nema dates eJuly salaries ,”
Amai Alexander vanoti vachamirira kunzwa neChishanu ichocho, asi vachazosanganawo sevashandi nemusi weMuvhuro vachizeya zvinenge zvabva kugurukota.
Vashandi vehurumende vanositanga kutambira mari vakaita semauto, vasori nemapurisa vanonzi havasati vawana mihoro yavo yemwedzi uno.
Hurumende iri kutatarika kuwana mari izvo zvakakonzera kuti ikundikane kubhadhara vashandi vayo nenguva mwedzi wapera.