Kubuda kwevamwe vakawanda munyika vachinotsvaga mafuro manyoro kunze kuri kuvavhurira mikana yakasiyanasiyana, mimwe yakanaka mimwe inochemedza.
Asi kuna VaPepukai Zvemhare, avo vakaberekerwa kuChibi, Maringire, mudunhu reMidlands, makore makumi matatu nemasere apfuura, kubuda kwavo munyika vachienda kuSouth Africa kwakavavhurira mukana mukuru kwazvo, wekuripwa kugara.
VaZvemhare, avo vanonyanyozivikanwa nezita remadunhururirwa rekuti Baba vaTennsen kuburikidza nenyambo dzavanoita, vakanowana basa rekushanda sagadheni bhoyi pane mumwe muchena pavakabatwa zvakanaka chose.
“Ndakanga ndiine zvose, mvura inodziya, cheya inotenderera, imba ine mhepo inodziya kana kutonhorera, chikafu ndichipiwa mahara, apa ndichiripwa ndakagara zvangu,” Va Zvemhare vanodaro.
Vanoti izvi zvakaita kuti vatore kavhidhiyo kadukuku vachiudza hama dzavo kusha nekugarika kwavakanga vaita pabasa ravo rekutanga muhupenyu hwavo, semunhu akanga asati amboshanda kunyange hazvo vaive vaine magwaro edzidzo ye Form 4.
Va Zvemhare, avo vane vana vaviri, Tennsen, ane makore gumi nemana, naTensley ane makore gumi ekuberekwa, vanoti kunyange hazvo pari zvino vasati vave kukwanisa kuita zvavanoshuvira kuita kumusha kwavo nekuda kwekushaiwa mari, vane hurongwa hwekuti remangwana vashande nezvikoro.
Asi pari zvino vanoti mavhidhiyo avari kuita ari kuita kuti vakwanise kuriritira mhuri yavo, zvekuti vakatosiya basa ravaiita vachingorarama nekuita nyambo dzavo kumichato nekumabhavhadhe kwavanokokiwa.