Accessibility links

Breaking News

Dare reParamende remuAmerica Rinopomera Mutungamiri weNyika, VaTrump, Mhosva Zviri paMutemo


Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump

Dare reparamende remuAmerica neChitatu manheru rakapomera zviri pamutemo mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, mhosva yekuzvidza dare reCongress pamwe nekushandisa masimba avo zvisiri izvo.

Izvi zvava kureva kuti VaTrump vachatongwa nedare reseneti mwedzi unouya, iro rinenge riine mukuru wevatongi vematare edzimhosva, ari sachigaro mukutongwa kwaVaTrump.

Dare reparamende remuAmerica rine nhengo dzebato rinopikisa reDemocratic Party dzakawanda, asi nhengo dzebato riri kutonga reRepublican Party, rinove bato raVaTrump, ndidzowo dzine huwandu mudare reseneti.

Izvi zvinonzi nevamwe zvinogona kuona nyaya dziri kupomerwa VaTrump dzichiraswa.

Pamhosva yekutanga, VaTrump vari kunzi vakakumbira mutungamiri wenyika yeUkraine, VaVolodymyr Zelenskiy, kuti vavabatsire kuferefeta vaimbove mutewedzeri wemutungamiri wenyika munguva yehutongo hwaVaBarrack Obama, VaJoe Biden, pamwe nemwanakomana wavo.

VaTrump vanonzi vakaita izvi vakabata mari inoda kusvika kumamiriyoni mazana mana yaifanirwa kupiwa serubatsiro kuUkraine, inove mhosva yechipiri yavari kupomerwa.

VaBiden vari kutarisirwa kukwikwidzana naVaTrump musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vari mudzidzisi wepachikoro chepamusoro cheMalone University, kuOhio muno muAmerica, Doctor Moses Rumano, vanoti vanofadzwa nedanho rakatorwa nenhengo dzeDemocratic Party iri sezvo richiratidza kuti muAmerica hapana ari pamusoro pemutemo.

Doctor Rumano vanoti kana dai VaTrump vakasazosiiswa basa, zvinenge zvave munhoroondo yenyika iyi kuti ndemumwe wevatungamiri venyika vakambopomerwa mhosva muhupenyu hwavo.

Hurukuro naDoctor Moses Rumano
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG