Nekuona kutekeshera kwedambudziko rehuwori munyika, hurumende svondo rapera yakaparura chirongwa chinokurudzira vana vezimbabwe kuti vabatane mukurwisana nehuwori chainoti “Against Corruption Together”.
Vaive munyarikani pakuparurwa kwechirongwa ichi, VaEmmerson Mnangagwa, vanove gurukota rezvemitemo uye vari mutewedzeri wemutungamiri wenyika, vakati nyaya dzehuwori dzatekeshera zvikuru muvashandi vemapoka ezvemitemo.
VaMnangagwa vakati hapana zuva rinopera vasina kutambira zvinyunyuto zvehuwori zvinenge zvichipomerwa kuvashandi ava.
Chirongwa ichi chino kurudzira vanhu kuti vafonere kunhamba dziri pamakadhi ari kupiwa kuti vamhan’are huwori kana vanhu vavanenge vachiziva vari kuita zvehuwori.
Nyanzvi mune zveupfumi dzinoti nyika iri kuraisikirwa nemari yakawandisa kuburikidza nemabasa ehuwori anonzi ari kuitwa mumapoka mazhinji pasina matanho ari kutorwa ekuhumisa.
Nhengo yebato reZanu PF Vagadzira Chirumhanzu vanoti kunyange hazvo huwori hwatekeshera nenyika, hwakanyanya huri kuitwa mumakanzuru emaguta ayo ari kutungamirirwa nemakanzura ebato reMDC T.
“MDC T inoti yakadzinga nhengo dzayo dzaiita huwori mumakanzuru asi hapana kana mumwechete zvake akaonekwa achikandwa mujeri nenyaya iyi,” VaGadzira vanodaro.
Asi mutauriri webato reMDC T , Vaobert Gutu vanoti chirongwa ichi hapana zvachinoburitsa sezvo hurumende yeZanu PF iri kutonga iri iyo nhungamiri munyaya dzekutarisa rutivi panenge pachiparwa huwori.
“Huwori huri muvatungamiri vemuhurumende nebato reZanu PF. VaChirumhanzu ngavatiudze kuti mabhiriyoni emangoda akaendepi?” VaGutu vanodaro.
Gore rapera sangano reTransparent International rakaita ongororo yakaburitsa kuti huwori munyika hwakanga hwakwira zvakanyanya mukati memakore maviri nekuda kwemamiriro akaita zvinhu munyaya dzeupfumi.
Sangano iri rakati kukwira kwenyaya dzehuwori chinhu chave kutemesa musoro, sezvo paongororo yaro iyi, zvikamu makumi matanhatu nezvisere kubva muzana zvevanhu vakabvunzwa vakati hurumende haina mazino ekurwisana nehuwori.
Mukuperawo kwegore rapera, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakadoma makomishina achange achishanda mukomisheni inorwisana nehuwori yeZimbabwe Anti-Corruption Commsion iyo iri kutungamirwa naDr. Job Wabhira.
Dzimwe nhengo dzkimsheni iyi dzinosanganisira VaGoodson Nguni, Amai Christine Fundira, VaDenford Chirindo, naAamai Cathy Muchechetere.
Asi vamwe vanoti komisheni iyi inogona kuve nehunyanzvi hwekuita basa, asi havaoni paine kuzvipira kwakakwana kubva kuhurumende.