Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti danho riri kuda kutorwa nehurumende rekudzika mutemo unosungira vanenge vachipinza zvinhu munyika kuti vave negwaro rinoratidza kuti zvinhu zvacho zvinoenderana nemitemo yemunyika, kana kuti conformity certificate, rinogona kutozowedzera kupinzwa munyika kwezvinhu zviri kunze kwemutemo.
VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti mutemo wehurumende uyu unogona kuita kuti vanhu vanga vagara vachipinza zvinhu zvinogona kuzonzi hazvikodzeri kutengeswa kana kushandiswa munyika vatsvage dzimwe nzira dzekuramba vachiwana cheuviri.
Gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha vakazivisa kuti kutanga mwedzi unouya, hurumende iri kudzika mutemo we Consignment Based Conformity Assessment Instrument # 132 of 2015, uyo uchaita kuti zvinhu zvinenge zvichipinda munyika zviongororwe kuti zvinoenderana nemitemo yezvehutano, zvakatikomberedza, nekudzivirira njodzi.
Danho iri rinonzi rinoenderana nemutemo wepasi rose weWorld Trade Organisation.
VaBimha vakati mutemo uyu wakanangana nekuchengetedza vanotenga pamwe nekushandisa zvigadzirwa izvi avo vavakati vari kubiridzirwa nekutengeserwa zvinhu zvisina kugadzirwa zvakakwana
Nyika inonzi yazara nezvinhu zviri kubva kunyikia dzekunze zvinenge zvisina kukodzera kuti zvishandiswe nevanhu, asi nekuda kwekusamira kweupfumi kwakanaka, vanhu vari kumhanyika zvinhu izvi.
Vemakambani emunyika vanotarisirwawo kuti mutemo uyu unogona kuvabatsira kuburikidza nekuti vange vave ivo vanenge vogadzira zvinhu izvi.