Bato reMDC T rinoti riri kushora zvakanyanya mashoko ekuti hurumende ine hurongwa hwekuendesa dzimwe nzou kuChina senzira yekuti mhuka idzi dzichengetedzeke.
Izvi zvinotevera mashoko ekuti gurukota rezvezviwanikwa, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, avo vari kushanya kuChina pari zvino, vakati Zimbabwe ichawedzera huwandu hwemhuka dziri kuenda kunyika iyi, senzira yekutapudza huwandu hwadzo.
Gore rapera Zimbabwe yakatengesa nzou makumi maviri neina kuChina, danho rakasimudza mutauro kubva kumapoka akawanda kusanganisira bato reMDC T.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti hurumende inofanirwa kutsvaga dzimwe nzira dzekugadzirisa dambudziko iri pane kuendesa nhaka yevana veZimbabwe kunze kwenyika.
Amai Muchinguri-Kashiri vanonziwo nevemapepanhau vakati hurumende yavo ine hurongwa hwekutengesa mhuka dzinosanganisira shumba, makudo nemapere kunze kwenyika.
Danho iri riri kuda kutorwa panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko rekusanaya zvakanaka kwemvura, pamwe nekuvhimwa kwemhuka zvisiri pamutemo.
Munyori mubazi rezvezviwanikwa, VaPrince Mupazvirihwo, vati havakwanisi kutaura pamusoro pedanho iri sezvo vari kungoitawo zvekunzwa mumapepanhau.
Vati tinogona kuzonzwa zvizere kubva kuna Amai Muchinguri-Kashiri mushure mesvondo mbiri pavanenge vadzoka munyika.
Gore rapera nzou dzinodarika makumi matanhatu dzakaurayiwa nemuchetura we cyanide muHwange National Park nevanhu vanofungidzirwa kuti vaivhima zviri kunze kwemutemo.