Accessibility links

Breaking News

Doctor Dzamara neVamwe Vavo Vanobvisiswa Chiuru cheMadhora seMari yeChibatiso


Doctor Patson Dzamara
Doctor Patson Dzamara

Varume vashanu vanosanganisira nhengo dzesangano reOccupy Africa Unity Square, avo vakasungwa neChitatu muHarare vakamiswa pamberi pedare nemusi weChishanu vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Varume ava, avo vanosanganisira VaPatson Dzamara vanove munin’ina waVaItai Dzamara avo vakapambwa nevanofungiudzirwa kuti vasori gore rapera, VaPride Mkono, VaMakomborero Haruzivshe, pamwe naVaTatenda Mombeyarara, vari kupomerwa mhosva yekuda kuba vachishandisa chisimba pamwe nekuvhiringidza mapurisa kuita basa rawo paaida kuvasunga.

Varume ava vari muchikwata chevanhu vanorwira kodzero dzevanhu vari kugara pamwe nekurara muAfrica Unity Square kwemazuva gumi nematanhatu vachiratidzira kusafara kwavo nemamiriro aita zvinhu munyika pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Gweta revashanu ava, VaObey Shava vaudza Studio 7 kuti vasungwa ava vanzi nemutongi wedare VaVakai Chikwekwe vabhadhare chiuru chemadhora pamunhu wega-wega semari yechibatiso pamhosva mbiri dzavakatarisana nadzo.

“Tanga tiri ku court nhasi maclients achitongwa nemhosva mbiri. Yekutanga inonzi robbery, imwe yacho inonzi obstruction of justice or defeating the course of justice kureva kuti vakavhiringidza mapurisa kuita basa ravo,” VaShava vadaro.

Asi VaShava vati mari yanzi vasungwa ava vabhadhare nedare yakawandisa zvikuru.

VaShava vati pane vamwe vanhu gumi vakasungwawo zvakare nemusi weChina vachiratidzira mu Africa Unity Square, uye vari kutarisirwa kuendeswa kumatare edzimhosva neMugovera.

Vechidiki veMDC-T vanoti vapindawo mukuratidzira uku
Vechidiki veMDC-T vanoti vapindawo mukuratidzira uku

Zvichakadai, munyori muboka revechidiki reMDCT, VaLovemore Chinoputsa vati bato ratorawo danho rekuti ribatane nevari kuratidzira muAfrica Unity Square vachiti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vave kufanira kusiya basa.

Rimwe bato rapindawo mukuratidzira uku nderePeople’s Democratic Party rinotungamirwa naVaTendai Biti.

Imwe nhengo yeboka revechidiki angoti anonzi Elvis atsinhirawo zvataurwa naVaChinoputsa achiti sePDP vachange vachi ratidzirawo vari muAfrica Unity Square kudzamara VaMugabe vabva pachigaro.

VaObey Sithole avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Informal Sector Organization, vari muchikwata chevechidiki vari kuzvidaidza kuti Tajamuka, vakurudzirawo kuti veruzhinji vauye muAfrica Unity Square vabatane navo kuratidza kusafara kwavo nehurumende yaVaMugabe.

VaSithole vati kusungwa kuri kuitwa vamwe vavo hakusi kuzofa kwakavadzorera shure mumafungiro nemaitiro avo.

Kuratidzira uku kuri kuitwa siku nesikati kwemazuva gumi nematanhatu zvichi nangana nemusi wa 16 Chikumi, rinove zuva re Day of The African Child.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG