Munhu mumwe chete anonzi akafa nechirwere che typhoid, vamwe makumi maviri nevatatu vachinzi vabatwa nechirwere ichi kubva pakatanga kuonekwa chirwere ichi muHarare mwedzi wapera.
Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kunyange hazvo kanzuru yavo iri kuita zvose zvainokwanisa mukudzivirira kupararira pamwe nekupedza chirwere ichi, iri kushushikanawo nekukwira kwehuvandu hwevanhu vabatwa nacho.
“Sekanzuru tinoti tine hurombo nekurasikirwa kwehupenyu kwakaitwa nemugari akashaya uyu, uye kuramba huwandu hwevanhu huchikwira,” VaChideme vanodaro.
Chirwere ichi chakatanga kuonekwa mwedzi wapera mumisha inogara veruzhinji inoti Glen Norah, Glen View, Budiriro, Hatfield neHopley, uye chinokonzerwa nekunwa mvura isina kuchena kanawo kudya chikafu chine tsvina.
VaChideme vanoti kanzuru yavo iri kuita zvose zvainogona kuti idzidzise veruzhinji nezvenzira dzavanofanirwa kutevera kuti chirwere ichi chisaramba chichipararira, uye mapoka ose ekanzuru akatotanga kutora matanho ekudzivirira kupararira kwacho.
Vanoti matanho atorwa nekanzuru yavo anosanganisira kugadzirira zvakakwana kwemapazi ekanzuru akaita serekutakurwa kwemarara pamwe nekuona kuti vanhu vawaniswa mvura yekunwa yakachena.